‘Apa pane nyaya’

12 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
‘Apa pane nyaya’ Sekuru Mutanga

Kwayedza

Daphne Machiri

NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti nyaya yechitunha chemurume wekuMazowe — icho chakazovigwa chisisina rimwe ziso richinzi rakadyiwa nasahwira — ine chekuita nemabasa ehuroyi kana kuti mushakabvu uyu anogona kunge akafa aine chigumbu.

Sekuru Elisha Mutanga vanoti kana munhu akafa aine chigumbu, pane zvakawanda zvinokwanisa kuitika parufu rwake.

“Mweya wemufi unenge wakatsamwa nekuda kwemafiro aanenge akaita. Ndipo pamunoona kazhinji vamwe kana vakatsamwa vanoramba kuvigika zvakanaka apo bhokisi rinogona kufuta kana kurema zvekutadza kupinda muguva. Pane zvinenge zvisina kumira mushe nekudaro vamwe vanotozofamba kubvunzira kuti mufi avigike. “Seuyu akashaikwa ziso rake, anenge achipa mucherechedzo wekuti hama dzake dzinofanira kufamba dzobvunzira mafiro aakaita,” vanodaro.  Bishop Oliver Magaso vanove mutungamiriri wechechi yeSpiritual Shield Apostolic vanoti mamwe maminimini anoitika parufu anokonzerwa nekuromba.

Bishop Magaso

“Kazhinji vanhu vanenge vakaita mhiko dzavakabata votadza kudzifambisa, ndipo pamunoona munhu anofa asisina nhengo dzakakwana. Dzimwe nguva mhiko dzinobatwa nevanhu ndedzekudeura ropa, zvadaro kana dzisina kufambiswa zvakanaka dzinokuvinga kuzokudya iwe.

“Asiwo zvinogona kuti munyaya iyi vanhu vakazoviga bhokisi risina chinhu apo varoyi vanenge vatononokerwa,” vanodaro Bishop Magaso.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey