Uncategorized

Apa wapinda, uye une zvinhu zvako!

09 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa

NDIANI akakudzidzisa kuti chinhu chakanaka chakanaka? Chii chatinoona mumunhu akanaka? Kutsvuka here? Kuvakwa kwake here panyama?
Chii chinotenderedza misoro yevari murudo? Maziso nenyemwerero inenge maruva here? Kana tichitaura nezverunako kana kunaka kwemunhu, kana kwechinhu kazhinji hatingoperera pakuti chakanaka. Kune vanobva vatsvaga nzira dzekuchengeta mupfungwa dzavo runako rwavanenge vaona kubudikidza nekutora mifananidzo.
Nanhasi uno mifananidzo yaMarilyn Munroe akafa muna 1962 inowanikwa munzvimbo zhinji.
Mukurumbira waMarilyn waive werunako uye ndiye mumwe wevanhu vakaita kuti miviri yevanhukadzi ipembedzwe nekushambadzwa mune zverunako nezvebonde.
Nesuwo nhasi uno hatina zororo tichitsvaga kuonekwa nekuverengwa pakati pevakanaka kana vanoonekera.
Ndizvo zvinotipa kuti nyangwe tisina mari, tinosarudza kukwereta kuti tiiswe weave, kuti tidire peturu mumota nekuita zvimwe zvinhu zvisiri zvedu.
Vanhukadzi vanobva vatambura nekutsvaga mafuta ekutsvukisa, hembe dzinonyebudza nyama dzemukati nezvimwe zvakadaro. Kuda kuonekwa kunotipa kuti kufunga kwedu kukurirwe nezvinhu zvisingafunge.
Asi patinoona runako, ichokwadi here kuti pane runako kana kuti tinenge tave vanhu vajaira kuona zvinhu nenzira inoonekwa nayo nevazhinji? Kana tichiona runako rwekunze, ko rwemukati hatina basa narwo sei? Haisiyo here nhamo yatiwira sevanhu nhasi kuti hatichatsvaga munhu wemukati?
Tinongoti tikatorwa meso nenyama yemuviri wemunhu, tobva tatomunamata nekunamatira paari.
Asika, nyama inowora nekuti inyama, uye sekutaura kwaJesu, “mweya ndiye anoraramisa” nekuti nyama haina maturo.
Kana nevadzidzi vaJesu vane runako rwezvinhu rwavaionawo, asi Jesu akanga asingaone zvavaiona. Ndizvo zvinoita kuti Moses averengwe pakati pevanhu vakakunda nekutenda.
Moses akakurira mumba mamambo Faro, ari mwanakomana wemwanasikana waFaro. Kukurira muState House yenguva yake, aine varanda, hembe, zvekudya nezvese zvinodiwa nemwoyo wake.
Asi Bhaibheri rinotiudza kuti, “Nekutenda, Moses akati akura, akaramba kunzi mwanakomana wemukunda waFaro.”
Dai Moses airarama munguva dzino dzekuda zvinhu, aingozvidyira mari yaFaro akanyarara.
Tinonzwa kuti rimwe zuva Jesu achifamba nevadzidzi vake vachibva mutemberi, mumwe wevadzidzi vake akati kwaari, “Mudzidzisi, tarirai mabwe, kunaka! Nedzimba kunaka!” Mudzidzisi waJesu akayevedzwa nerunako rwetemberi zvekuti akatsvaga kuti Jesu atsigire mashoko ake ekuti temberi yakanaka.
Ndizvo zvatinoita nesuwo. Kana ukatenga hembe kana mota kana kuwana basa kana kuita chimwe chinhu, unotsvaga vanokupembedza nekukusimbisa kuti wapinda, uye une zvinhu zvako.
Asi mudzidzisi waJesu paakanga achitaura, akanga asvikirwa nemweya wenyika ino unoona runako muzvinhu uchitadza kuona runako rwemukati. Temberi yakanga yakanaka, asi hakusi kunaka kwetemberi kwaidiwa, asi kuziva basa retemberi kuti imba yekunamatira, kwete imba yekuti tinamate.
Saka mhinduro yaJesu imhinduro yakandidira mvura yemufiriji. Jesu akapindura mudzidzi wake achiti, “Unoona dzimba idzi huru? Hakungaregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.”
Chaive mumashoko aJesu ndechekuti tinotorwa zvedu mwoyo nezvinhu zvakanaka, asi zvinhu zvatinoti zvakanaka, hazvisi zvinhu zvicharamba zviripo. Zvinopfuura.
Nesuwo mazuva ano atiri kumhanya nemaSmartphone nemota dzekuJapan zvichapfuura. Nyangwe kurukwa misoro tichiiswa tuma baby hair, kuchapera.
Saka zvakakosha kuti tizvipe miganhu pakufarira zvatinofunga kuti zvakanaka uye zvinoshamisa. Maonero aJesu anoponesa nekuti anotisunungura pakuve varanda vezvinhu.
Vadzidzi vaJesu pavakadzoka vachifara kuti madhimoni akanga achivatya, akavati vasafarire izvozvo, asi vafarire kuti mazita avo akanyorwa kudenga. Newewo ngwarira zvaunofarira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>