Apamba vana pachikoro, ndokunovaumburudza mumadhaka, achivarova

07 Jul, 2022 - 16:07 0 Views
Apamba vana pachikoro, ndokunovaumburudza mumadhaka, achivarova Prosper Tirivavi

Kwayedza

Arron Nyamayaro

VANA vechikoro vana (4) avo vari kuita Form 4 paJonas High School, kwaSeke, vakashungurudzwa nenzira izere nehutsinye hwakanyanyisa apo vakamanikidzwa kuumburuka mumadhaka uku vachirohwa zvakasimba nemumwe murume.

Murume uyu, uyo anofungidzirwa kuti aimbove muchiuto, ainge aine imbwa dzake dzakarindira kuitira kuti pasawane mumwe wevakomana ava anopunyuka, sezvo vakanga vachirohwa zvakaipisisa nemupuro.

Murume uyu anonzi akaita mushure mekuwana vana ava vachitamba pagedhi rechikoro chavo apo vamwe vavo vaidzidza.

Prosper Tirivavi, uyo akatosungwa nekuda kwenyaya iyi, ndiye ari kupomerwa mhosva yekushungurudza vakomana ava apo aitotorwa mavhidhiyo uye ari kushoropodzwa zvakanyanya neveruzhinji.

Tirivavi ari kupomerwa kupamba vana ava apo vaive pagedhi repachikoro chavo ndokuvarova pamwe nekuvashungurudza nenzira dzakasiyana.

Anonzi akazodzokera kuchikoro uku nevakomana ava akasvikovapa kumutevedzeri wemukuru wechikoro, Simbarashe Mapfumo.

Vabereki vevakomana ava vakamhan’ara nyaya iyi kumapurisa vachipomera Tirivavi mhosva yekushungurudza vana vavo.

Asi mumwe mupurisa anonzi Constable Samanga ari kunzi akaramba kuvhurira Tirivavi dhoketi, sekutaura kwevabereki vevana ava.

Mupurisa wekuramba kuvhura dhoketi uyu anonzi akamhan’arirwa kuvakuru vake zvikazoita kuti Tirivavi asungwe nemusi weChitatu chino.

Vhidhiyo rechiitiko chehutsinye ichi riri kutenderera padandemutande uye vanhu vakawanda vari kushora murume uyu nezvaakaita.

Mumwe wevabereki vevana ava anoti vakatsvaga Tirivavi kusvikira vamuwana ndokuenda naye kumapurisa.

Vabereki ava vanoti vachamhan’arirawo Mapfumo sezvo asina danho raakatora zvichitevera kushungurudzwa kwakaitwa vana vavo.

“Isu sevabereki vevana vechikoro, takashamiswa kunzwa kuti tine vagari vomunharaunda medu vane mwoyo wakashata kudaro wokuitira hutsinye vana vasingagone kuzvidzivirira,” anodaro mumwe wevabereki ava.

“Vana vedu vakaitirwa hutsinye hunorwadza zvekuti hakuna marangiro akadaro, chero mwana akatadza zvakadini.

“Takamhan’ara kumapurisa asi Constable Samanga akaramba kuvhura dhoketi tikaendesa nyaya iyi kuvakuru vake.

“Mushure mekunge tamumhan’arira, akabva asungwa uye tinoda kumhan’arira zvakare mutevedzeri wemukuru wechikoro nekutenda kwaakaita Prosper nechirango chaakapa vana vedu.

“Mapfumo akasvikotenda Prosper nekuzvambaradza kwaakaita vana achivaumburudza mumadhaga,” anodaro mubereki uyu.
Tirivavi ari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare redzimhosva.

Mapfumo haana kukwanisa kubatika kuti apewo divi rake pamusoro penyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links