Apaza muvakidzani nechidhinha mumusoro

02 May, 2023 - 15:05 0 Views
Apaza muvakidzani nechidhinha mumusoro Dare

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME anogara kuChitungwiza akaigochera pautsi apo akanetsana nemuvakidzani wake achibva amutema nechidhinha nebhodhoro mumusoro zvikaita kuti akuvare zvakanyanya.

Muchuchisi VaMunyaradzi Chisvo veChitungwiza Magistrates’ Courts vaudza dare kuti nemusi wa5 Kubvumbi munguva dzemanheru, Justice Chakanetsa wepanhamba 14504 Unit O, kuChitungwiza, akatema Jefrey Kudakwashe Sisimayi (28) nechidhinha mumusoro uye nebhodhoro mushure mekunetsana zvikaita kuti aite ronda rakadzika panzeve, mumusoro neparuoko rwekuruboshwe.

Mutongi Hurungudo vamupa chirango chekubvisa faindi yeUS$30 uye kukundikana kwake achagara mujeri kwemazuva makumi matatu.

Munyaya inodyidzana neiyi iyo yakaitwa nemutongi mumwe chete yakaitika musi wa27 Kurume gore rino, Athius Kakupwanya wepanhamba 18533 Unit L, kuChitungwiza, akarova mukoma wake Peterson Kakupwanya nembama mushure mekunetsana zvikaita kuti amusungise.

Athius atongwa nemhosva yemhirizhonga (Domestic Violence Act Section 3(1) a 4 (1) of the Criminal Codification and Reform Act Chapter 9:23.)

Apihwa mutongo wekugara mujeri kwemwedzi mitatu inova yazosendekwa parutivi yose nechitsidzo chekuti haafanire kupara mhosva yakafanana neiyi makore mashanu asati adarika.

Athius abvuma mhosva yake.

Share This:

Sponsored Links