Aphiri adzokazve mudariro

02 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Aphiri adzokazve mudariro Jeffrey “Aphiri” Chogugudza (kuruboshwe) nevamwe vechikwata chake cheTrue Vision African Theatre

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu naLizzy Mushoriwa
NYANZVI munyaya dzemitambo yemadhirama, Jeffrey Chogugudza – uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Aphiri wechikwata cheTrue Vision African Theatre – akaburazve mumwe mutambo mutsva unonzi Pasi Pezuva uyo uri pamusoro pezvinhu zvakasiyana zvinosanganikwa neveruzhinji muhupenyu hwemazuva ano.

Muhurukuro neKwayedza, Aphiri anoti ane chivimbo chekuti veruzhinji vachadzidza zvakawanda kubva mumutambo wavo mutsva uyu.

“Iko zvino tine mutambo mutsva watakabuditsa unonzi Pasi Pezuva, mutambo watine fungidziro yekuti uchafadza vazhinji asi mukufadzwa ikoko vachadzidzawo zvakawanda nekuti takaedza kubata-bata mararamiro ave kuitwa zuva nezuva. Mutambo uyu unobata magariro anoita vanhu pese pavanenge vari uye tichange tichitengesa tega maDVD acho kuitira vaye vepairesi nekuti tikasadaro tinofa nenzara nekuti vanhu ivava vari kudzorera basa redu kumashure,” anodaro Aphiri.

Anoti ave chivimbo chekuti mutambo uyu uchanakidza veruzhinji kudarika mimwe yavakambobura kare iyo inosanganisira anaChikwereti neRina Manyanga Hariputirwe Mumushunje.

Zvakadai, muchinda uyu anoti vatambi vemadhirama vari kushaya rubatsiro kubva kumapoka akasiyana izvo zviri kudzorera kumashure indasitiri yavo.

“Isu sevatambi vemadhirama hatisi kuwana rubatsiro rwakakwana kubva kumapoka akasiyana, kusanganisira kuHurumende yedu, saka dzimwe nguva tichizobika madhirama akangodaro-daro. Inyaya yekuti tinenge tisina zvinhu zvekushandisa zvakakwana uye mari chaiyo nekuti vanhu vatinenge tichishanda navo vanoda kubhadharwa,” anodaro.

“Sesu, rubatsiro rwatingade nderwemakamera uye mari kuti tikwanise kubura madhirama anofadza veruzhinji nekuda kwehunyanzvi hwatinenge tichichishandisa.”

Mashoko ake anotsinhirwa naKelvin Mombeshora anove mumwe wechikwata chake achiti nyaya yekushaya vakotsveri ndiyo iri kudzosera basa ravo kumashure zvikuru.

“Kushaya mari ndiko kunoita kuti tipedze nguva tisina kubura mutambo asi zvekunyora tinenge tiinazvo zvakawanda. Tikawana mari nezvekushandisa tinenge tava pari nani saka dai vanhu vatibatsirawo, kunyanya Hurumende nekuti ritori basa ratinoita iri rekufadza vanhu,” anodaro Mombeshora.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey