Uncategorized

Apo wapakurirwa tsvina mundiro

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Ignatius Mabasa

NEZURO ndakanzwa mumwe munhu akanga asiri kufara achiti akatumirwa maWhatsApp meseji sikisi ezvinyadzi. Uku ndiko kubvuma kupa munhu ari kupakura tsvina ndiro yako kuti akupakurire kunhuhwa.

Ndakashaya kuti dambudziko rake riri papi. Kana ukange usingade kutumirwa tsvina neWhatsApp, unofanira kugara wataurira vanhu vawakasevha mufoni mako kuti haudi tsvina. Kana ukasataura, kana ukasazivisa vanhu zvaunoda nezvausingade, uchafanana nechemba inogara yakangoshama kuti igashire tsvina dzese dzese.

Idzo foni idzi dzareruka kwazvo zvekuti vanhu vave kutumirana nekugashidzana nyoka, mazizi, mapere, rufu, murutsi nehumbwa. Kugashira kwatinoita zvinhu muhupenyu hakudi kuti tingogashira zvese zvese.

Kana ukaona uchigashira zvese zvese, uchiteerera zvese zvese, nekudya nekunwa zvese zvese, une dambudziko rakasvika kukunda dhimoni kana dhibhi remombe. Dai zvinhu zvatinogashira mumafoni edu zvaigashirwa nemawoko, uye vanhu vese vachiona kuti wagashira chii, dai vamwe vedu takabva zvimiro pamberi pevanhu, kana kutama munharaunda dzatinogara.

Kana vanhu vasingazeze kukutumira zvinosemesa, zvinonyadzisa kana imwe tsvina yaungafunge nezvayo, zvinoreva kuti iwe ndiwe une dambudziko. Kubvuma kugashira mavhidhiyo kana mifananidzo yebonde, yepono kana yenhengo dzesikarudzi kunokonzera kuti iwe neari kukutumira muve nehukama hunenge hwevaroyi. Mune rima renyu ramunofara naro.

Kana uri musikana kana mukomana anotumirwa nekutumira tsvina iyoyo, uchazvivhurira kufa uri mudiki.

Handisi kutaura kufa kwekurega kufema, asi kufa kwemunhu nehunhu. Kufa kwekusaziva kuti Mwari havana kukusikira izvozvo.

Ini ndakaudza imwe shamwari yangu kuti usanditumire mifananidzo yetsvina nekuti zvetsvina hazvisi zvangu. Ndakamuudza kuti ini handitye kuvhura foni yangu pane vanhu ndichitya kuti ndichaerekana ndaona zvikatyamadzo.

Ini pakutumira nekutumirwa mavhidhiyo kana mameseji epamafoni, ndinopima zvinhu ndisati ndatumira vamwe. Ndinozvibvunza mibvunzo ndisati ndatumira. Zvinobatsirei zvinhu izvi?

Chimwe chinhu chandinoda kuti ufunge pamusoro pacho ndeichi, kana ukanditumira mavhidhiyo, asi ini ndorega kuaona, ndinganzi ndarasikirwa here? Ndingarasikirwe here nechinhu chandisina kuona? Kana ndisina kuona mavhidhiyo nemapikicha awatumira ndinofa here? Nyika inondigumira here?

Dzimwe nguva ndinofunga kuti kutogara ndisingazive kuti watumira chii kunotondipa rugare nekuti dai zvinhu zviri kupinda mumaziso evanhu kubudikidza neWhatsApp neSocial Media zvaitosvora, kutaura kuno dai vazhinji vedu vave mapofu. Ndingatoti vazhinji vedu tave mapofu.

Chenjerera kuti uchaparidza vhangeri rekupadza zvakawanda kudarika mwana muparadzi. Paye paunongoti chero chawatumirwa, iwe usina kumbofunga nezvazvo wobva wangozvipfuudzawo kune vamwe.

Vamwe vawatumira vachatarisa zvawafoshorera kumberi vagozvishandisa kukupima pachikero chehunhu vagowana uri mhuka.

Zvimwe zvinhu zvinoda miganhu.

Kugara uri pafoni kujaira kutambisa nguva kunge imbwa inohukura motokari dziri kudarika nemugwagwa. Kungoti kikiki nezvinhu zvisina hunhu kunoita kuti usare wave kiti.

Jesu akaraira vapostori nemaKristu ese kuti, “vadzidzise marudzi ese,” kuti vagove “chiedza chenyika” pamwechete nekuzivisa nhau yakanaka yeshoko raMwari munzvimbo dzese.

Jesu paaive panyika akaratidza kuti kutaura kwakanaka kwakaita sei. Nesuwo nhasi ngatitumirane mashoko anovaka uye anozadzisa shoko iri riri kuVaFiripi: “Pakupedzisira hama, ndinoti kwamuri: fungai pamusoro pezvinhu izvi zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinoyevedza, kana paine chinhu chakaisvonaka kana chinorumbidzwa, fungai pamusoro pezvinhu izvi zvakadai.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey