Aponda baba, ndokuvacheka sikarudzi

21 Jan, 2023 - 03:01 0 Views
Aponda baba, ndokuvacheka sikarudzi

Kwayedza

Danisa Masuku

MURUME wekuNyamandlovu, kudunhu reMatabeleland North, anonzi akamonya baba vake mutsipa vachibva vafa, iye ndokuvacheka sikarudzi yavo, iyo akazvipwanya-pwanya achibva anoviga nengo idzi mumunda wechibage.

Mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) vari kutsvaga Effort Nothoenhle Dube (29) uyo anonzi akanzwikwa achishevedzera nezwi riri pamusoro achiti, “Ndinoda kuuraya baba vangu!”

Anonzi akauraya Makhosi King Dube (69) nenzira inorwadza, ndokudambura rurimi, maoko uye sikarudzi zvekusiya ganda bedzi.

Chinangwa chake chekuita izvi chinonzi hachisati chazivikanwa uye nyaya iyi yakaitika nemusi weMugovera wadarika.

Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, uyo asina kuda kuti zita rake ribuditswe achigara paSeafield Estate iri kuNyamandlovu, anoti akanzwa Effort achishevedzera achiti aida kuuraya baba vake.

“Ndakazvitora sezvinhu zvisina maturo ndichifunga kuti munhu aiva akadhakwa zvakanyanya,” anodaro muvakidzani uyu.

Anoti panguva iyo aidziya moto ari kumba kwake manheru, akanzwa izwi raEffort achingotaura zvimwe chete achiti, “Ndinoda kumuuraya nhasi!”

Anoti haana kuita hany’a nemashoko ekuvhundutsira kuda kuponda aya achibva aenda zvake kunorara.

Zuva rakatevera nenguva dza6 mangwanani, muvakidzani uyu anonzi akazoenda kunotarisa kumba kwababa vaEffort uko akasvikovashaya mumba mavo. Apo akatanga kufamba achitarisa pachivanze chepamusha uyu, akazosangana nemutumbi waMakhosi uri mumunda wechibage.

“Pandaitarisisa pamusha apa, ndakazoona mutumbi wemurume uyu, ndikavhunduka zvikuru apo ndakaona kuti mutumbi uyu waisava nerurimi, maoko aiva akadamburwa zvakare asipo uye zvombo zvakavandika pasina, pachingova neganda raiva rakarembera,” anodaro achitya.

Anoti mutumbi waMakhosi waiva nemavanga zvakare pamutsipa.

Effort anonzi haana kuzomboonekwa kubva pakaitika nyaya iyi, uye ari kutsvagwa nemapurisa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reBulawayo, Inspector Abednico Ncube, vanotsinhira nyaya iyi.

“Kune vanhu vane zvavanoziva kuti tikwanise kusunga murume akaponda uyu vanotibata votaura naConstable Ndlovu panhare dzinoti 0718 001 209 kana mapurisa ekuNyamandlovu Police Station pa0292-821306 kana kuridza nhare kumahofisi emapurisa ekuBulawayo pa029- 60358 kana kuenda pakamba yemapurisa ose-ose,” vanodaro.

Vanotiwo vanhu vanokwanisa kushandisa masuggestion box emapurisa akatekeshera nenyika yose.

Share This:

Sponsored Links