Aponda baba vakaremara

01 Dec, 2022 - 13:12 0 Views
Aponda baba vakaremara Dare

Kwayedza

PREMIUM

Melody Vherenaisi

MURUME wekwaMambo Marange, kwaMutare wekuponda baba vake, avo vaive vakaremara mitezo, nekuvarova nemupinyi mumusoro akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 16.

Godknows Ndagurwa (24) akabatwa nemhosva yekuponda nemutongi wedare guru reHigh Court kwaMutare, Justice Isaac Muzenda. Vachipa mutongo uyu, Justice Muzenda vanoti dare rakaona kuti musungwa uyu mhosva yaakapara iyi ndeyekutanga muupenyu hwake.

“Dare rakacherechedzawo nguva yawakagara mujeri nokudaro uchagara mujeri kwemakore 16,” vanodaro.

Godknows akapara mhosva iyi gore rapfuura munaNyamavhuvhu uye anga ari muhusungwa kubva ipapo. Muchuchisi Muzvare Jane Rose Matsikidze vanoti Godknows wekwaChikonzo kwaMambo Marange akarova baba vake, VaPindai Ndagurwa (65), nemupinyi pahuma vakabva va ra ipapo.

Muzvare Matsikidze vanoti Godknows akadzoka kubva kuBambazonke Rural Business Centre akadhakwa ndokutuka vabereki vake.

“Musi wa20 Nyamavhuvh...

Please subscribe to view this content.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey