Aponda chikomba chemukadzi waakaramba

25 Jul, 2022 - 18:07 0 Views
Aponda chikomba chemukadzi waakaramba Insp Simon Chazovachiyi

Kwayedza

Victor Maphosa

MAPURISA akasunga Edward Mhishe wemubhuku raRambanapasi kuHwedza nemhosva yekuuraya shamwarirume yeaimbova mukadzi wake mushure mekuvarova vose vari vaviri zvakaipisisa nguva pfupi yadarika.

Mhishe akanga akamboroorana naLinda Garaba (32) asi munaChivabvu gore rino vakasiyana zvikaita kuti Garaba aende kunogara naamai vake kuHwedza.

Zvinonzi svondo rapera nemusi weSvondo nenguva dza6 manheru, Garaba akaenda mubhuku maBizhi kwaSadza kunoona Partson Warikandwa (45) uyo waakange ave kudanana naye.

Pazuva rimwe chete iri, Mhishe anonzi akanzwa kuti Garaba akanga ari mubhuku raBozho kumba kwemudiwa wake zvikaita kuti aendeko ndokukumbira babamudiki vaWarikandwa, Samuel Mahupeta, kuti vamubatsire kunyengerera mukadzi wake kuti adzoke kumba.

Mahupeta anonzi akaramba izvi ndokumuudza kuti Garaba akanga ave kudanana nehama yake.

Mhishe akabva aenda kunaamai veaimbove mukadzi wake ndokukumbira kuti vataure nemwana wavo kuti vagadzirise nyaya dzavo asi vanonzi vakaramba zvakare vakamuudza kuti ende kuna tete vaGaraba.

Nenguva dza7 manheru, Mhishe akadzokera zvakare kumba kwaMahupeta uko akakumbira aimbova mukadzi wake kuti amuperekedze asi akaramba ndokuti achazotevera gare-gare.

Papera awa imwe chete, Mhishe anonzi akaenda kumba kwaWarikandwa uko akasvikopinda mumba nechisimba apo aive nemupinyi webadza akabva arova Warikandwa naGaraba.

Warikandwa akabva afira ipapo.

Garaba akazomhanyiswa kuchipatara chekwaSadza uye upenyu hwake hunonzi huri panjodzi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Simon Chazovachiyi vanotsinhira nyaya iyi.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vagadzirise nyaya dzekunetsana kwavo murunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey