Aponda hama yake

10 May, 2022 - 11:05 0 Views
Aponda hama yake

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VANAKOMANA vaviri vemumhuri imwe chete – avo vose vane makore 37 okuberekwa – vanonzi vakapondana mubhuku raMagwidi kudunhu raMambo Ruya, kuSilobela mushure mekutadza kunzwanana apo vainwa doro pamusha pevabereki vavo.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika nemusi wa5 Chivabvu.

Vanoti Martin Chatikobo (37) naVengai Chatikobo (37), avo vanova nababa mumwe chete, vainwa doro pamba pevabereki vavo apo Martin akatanga kupomera Vengai mhosva yekuti aishungurudza mwanakomana wake uyo ainge asipo panguva iyi.

“Vaviri ava vakanwa doro kusvika kuma1 mambakwedza apo vakatanga kutaudzana nyaya dzemumusha. Martin Chatikobo aipopotera Vengai Chatikobo achimupomera kuti aishungurudza mwanakomana wake.

“Vengai Chatikobo akabva ndokuenda kumba kwake uko akazodzoka apakata chombo chakapinza icho anonzi akasvikotanga kurova nacho Martin Chatikobo muviri wose,” vanodaro Insp Mahoko.

Martin anonzi akarohwa kusvikira afenda apo vamwe vanhu vaiva padoro vakazorandutsira bongozozo iri.

“Vengai Chatikobo paakaona kuti aiva akuvadza mumwe wake zvakanyanya, akabva atiza pamba apa achienda kusina anoziva.

Martin akabva afa asati akwanisa kuendeswa kuchipatara kunorapwa, nyaya iyi ikazomhan’arwa kumapurisa ekuSilobela,” vanodaro Insp Mahoko.

Mutumbi uyu wakazoendeswa kuchipatara cheKwekwe kunoongororwa apo mapurisa vari kutsvaga Vengai nemhosva yaari kupomerwa yekuponda.

“Tinokumbira kuruzhinji kuti vabatsire tikwanise kusunga Vengai Chatikobo nemhosva yaari kupomerwa yekuponda.

Tinokurudzirawo vanhu kuti vasataure nyaya dzine chekuita nemisha yavo kana vachinwa doro uyewo kuti vasarwisane izvo zvinoguma zvakonzera vamwe kukuvara kana kufa.

“Hakuna munhu ane mvumo yekurova kana kuuraya mumwe pasi pemitemo yenyika ino,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links