Aponda mukadzi, ndokuzvikanda mumota iri kufamba

05 Jun, 2023 - 12:06 0 Views
Aponda mukadzi, ndokuzvikanda mumota iri kufamba Sergeant Major Samuel Chikasha

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 42 okuberekwa aigara papurazi reRamahori riri kuConcession, kuMashonaland Central, anonzi akazvikanda pamberi pemotokari yaimhanya zvikaita kuti atsikwe ndokufa.

Murume uyu anonzi akaita izvi achangobva mukuponda mudzimai wake.

Simon Pwiti anonzi nemusi wa29 Chivabvu nenguva dza1:30 mambakwedza, aifamba nemugwagwa weMazowe-Mvurwi achienda nekumadokero uye achiratidza kuva nechinangwa chekuzviuraya.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Sergeant Major Samuel Chikasha, vanoti Pwiti akanga atema mudzimai wake mumusoro nedemo achibva afa achimupomera mhosva yekuita zvikomba.

“Murume uyu paakanga asvika pachinhambwe che25km peg mumugwagwa uyu, motokari yaidarika yakabva yamutsika iyo isina kumira iye achibva afira ipapo,” vanodaro Sgt Major Chikasha.

Vanoti Pwiti akakuvara musoro nekuda kwekutsikwa nemotokari ndokubva afira panzvimbo.

“Hama dzemufi uyu dzakaziviswa nezvetsaona iyi, nyaya ndokumhan’arwa kumapurisa eZRP Mazowe Traffic. Mutumbi uyu wakaendeswa kumochari yechipatara cheConcession,” vanodaro Sgt Major Chikasha.

Zvichakadai, mapurisa ari kutsvaga mutyairi ane motokari yakatsika murume uyu nekuda kwemhosva yekukonzera rufu rwake.

“Tinokurudzira kuti vatyairi kutevedza mitemo yose yemumigwagwa uyewo kunyaya dzemhirizhonga mudzimba, tinokurudzirawo ruzhinji – zvikuru vakaroorana – kuti vatsvage vayananisi kana paine zvinonetsa mukugarisana kwavo vangava mapurisa, masabhuku, mafundisi, hama, madzishe nevamwe,” vanodaro Sgt Major Chikasha.

Share This:

Sponsored Links