Aponda munhu, ndokuita mutumbi ‘mapisi mapisi’

02 Jun, 2022 - 20:06 0 Views
Aponda munhu, ndokuita mutumbi ‘mapisi mapisi’ Mushakabvu Emmanuel Nhunzvi

Kwayedza

Mellisa Makoto naLatwell Nyangu

VAGARI vekuStoneridge Park muguta reHarare vasara vakabatira hana dzavo mumaoko zvichitevera kupondwa kwakaitwa mwana mukomana ane makore 16 okuberekwa uyo anonzi mutumbi wake wakatemwa-temwa kuitwa “mapisi mapisi”, ndokuiswa mukabhokisi.

Izvi zvakaitika nemusi weSvondo wadarika apo Leeroy Urayayi (20) anonzi akaponda Emmanuel Nhunzvi.
Urarayi anonzi akabva atiza mushure mekupara mhosva iyi.

Emmanuel aigara nemudzimai wababa vake, Blessing Phiri, uyo anoti agurwa kunorira zvichitevera kupondwa kwemwana uyu.

Anoti vakatanga kutsvaga Emmanuel nemusi weSvondo vabva kuchechi asi havana kumuwana apo vakazomhan’ara kumapurisa zuva rakatevera.

Phiri anoti muvakidzani wavo akazovaudza kuti pane mutumbi wemunhu waive waonekwa munzvimbo yavo apo vakaenda kunotarisa ndokuona uri waEmmanuel.

Mutumbi uyu, anodaro Phiri, wainge uri pedyo neimwe imba uye wakatemwa-temwa kuitwa zvidimbu kuti ukwane mukabhokisi kawainge wakandonyerwa.

“Takakwanisa kumuziva nekuda kwembatya dzaaive akapfeka asati atsakatika,” anodaro Phiri.

Tete vaUrayayi, Dadirai Machingura, vanoti vakadzoka kubva kuchechi apo vakaona mumba mavo muzere mvura pasi ndokubvunza Urayayi kuti chii chainge chaitika.

Vanoti Urayayi akavaudza kuti aive arasa mvura iyi uye aida kuipukuta.

Vanoti vakazosiya Urayayi kuti apukute mvura iyi apo vakazoona zvakare ropa riri pasi mumba umu.

Pekutanga, Machingura anoti akambofunga kuti aibuda mututu asi ndokuzoona kuti ropa raive pasi mumba umu rainge rakawandisa.

Vanoti pakazodzoka Urayayi, akati aida sipo yekuwachisa magumbeze apo vakamubvunza nezveropa raive mumba umu.

“Akandiudza kuti ainge auraya mbira ndokuirasa. Mhinduro yake haina kundigutsa ndokubva ndanotaura nemuvakidzani wangu nyaya iyi.

“Muvakidzani wangu akandiudza kuti Leeroy akanga achiti ane chimukuyu chiri mumba umu uye chiri kutoda mota,” anodaro Machingura.

Anoti muvakidzani wake akabvunzurudza Urayayi nezvenyaya iyi apo azotaura kuti aponda munhu.

“Akatsanangura zvakaitika, ndokuratidza vavakidzani mutumbi wacho asi akabva anyangarika apo munhu wose ainge achiri kushamiswa nezvaive zvaitika,” anodaro Machingura.

Vamwe vari kuziva nezvenyaya iyi vanoti Emmanuel ainge achekereswa sezvo Urayayi achinzi aigara achitaura kuti achange ave kufamba nemota nguva pfupi inotevera apo aive asati apara mhosva iyi.

Share This:

Sponsored Links