Aponda mwana (8), ndokumubata chibharo

22 Nov, 2022 - 10:11 0 Views
Aponda mwana (8), ndokumubata chibharo Inspector Glory Banda

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUKOMANA ane makore 17 okuberekwa wekwaSabhuku Longwe, kuInyathi, kuMatabeleland North akasungwa nemhosva yekuponda mwana musikana ane makore masere uyo waakabata chibharo paainge afenda.

Mwana uyu anonzi akanga ashaika pamba pamwe chete nekuchikoro kubva musi wa21 Gumiguru gore rino.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMatabeleland North, Inspector Glory Banda, vanoti nemusi wa21 Gumiguru nenguva dza9:45 mangwanani, Nokukhanya Mthetwa uyo aiita Grade 1 pachikoro cheLongwe Primary akakumbira kuenda kuchimbuzi kubva kumudzidzisi wake achibva abvumidzwa.

“Mwana uyu haana kuzodzoka zvikaita kuti mudzidzisi wake ave nefungidziro yekuti aiva aenda kumba. Amai vake vakazoenda kuchikoro vachitsvaga mwana wavo vakataurirwa kuti aiva abva pachikoro nguva dza10 mangwanani dzisati dzakwana,” vanodaro Insp Banda.

Amai ava vanonzi vakaenderera mberi nekutsvaga mwana wavo uyo vasina kuwana.

“Nemusi wa24 Gumiguru nenguva dza8 mangwanani, amai ava vakazoenda kunomhan’ara nyaya yekushaya mwana kumapurisa ekuKenilworth Base kuInyathi. Vagari vemunzvimbo iyi vakazobatana kutsvaga mwana uyu asi vakamushaya,” vanodaro.

Insp Banda vanoti nemusi wa27 Gumiguru nenguva dza10 mangwanani, mutumbi wemwana uyu wakazowanikwa musango padyo nechikoro nevanhu vaimutsvaga.

Nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kumapurisa.

Nemusi wa28 Gumiguru, mapurisa ekuInyathi nematikitivha ekuLupane Base vakazodzokera kunzvimbo iyi ndokuwana mashoko akazoita kuti vasunge mukomana ari kupomerwa kuponda mwana uyu.

“Mukomana uyu ari kudura kuti akaona Nokukhanya Mthetwa achibuda muchivanze chechikoro achidarika nepanzvimbo isingabvumidzwe ndokubva amurova nedombo kakawanda muviri. Anoti apo akaona kuti mwana uyu akanga afenda, akazomubata chibharo kamwe chete pasina kushandisa dziviriro achibva amusiya akadaro,” vanodaro Insp Banda.

Mutumbi wemwana uyu wakazoendeswa kuchipatara cheInyathi apo nyaya iyi iri kufambira mberi nekuferefetwa.

Mune imwewo nyaya, pane mudzimai wemubhuku raMadumabisa, kuHwange akabatwa nemagetsi ari muzumbu rake rehuku achibva afa.

“Tine tsaona yakaitika kwaSabhuku Madumabisa kuHwange yemudzimai wemakore 41 ekuberekwa, Lilian Mhlanga, uyo akabatwa nemagetsi achibatidza mwenje muzumbu rehuku dzake achida kudzipa chikafu. Izvi zvakaitika nemusi wa27 Gumiguru nenguva dza7 manheru,” vanodaro Insp Banda.

Vanoti mudzimai uyu paakaedza kubatidza magetsi akadonhedzerwa pasi nawo izvo zvakaonekwa nemwanasikana wake akazoedza kubatsira amai vake.

“Mwanasikana wake akaedza kubatsira nekubata ruoko apo akagwinhwa zvakare nemagetsi aya. Akazotsvaga rubatsiro apo magetsi aya akadzimwa zvikazoita kuti vakwanise kubvisa Lillian Mhlanga muzumbu achibva azoendeswa kuchipatara cheSt Patricks uko akasvika achifa,” vanodaro Insp Banda.

Mapurisa nemaengineer ekuHwange Colliery vakazoenda kutsaona iyi vakanoona kuti magetsi aya aiva akaiswa zviri kunze kwemutemo muzumbu umu uyewo tambo dzaiva dzisina kuvharwa sezvinokurudzirwa.

Share This:

Sponsored Links