Kwayedza

Aponda vanhu 6, ndokukuvadza vamwe

Asst Comm Nyathi

Kingstone Mapupu

Mapurisa eZimbabwe republic Police ZRP vasunga murume wekuRed Cliff, kuKwekwe ane makore 26 ekuzvarwa nenyaya yekuponda vanhu vatanhatu achiita vekubaya nepfumo ndokukuvadza vamwe vana mambakwedza anezuro Mugovera.

Murume uyu anonzi aendeswa pamasowe eko apo anga akasungwa makumbo mushure mekunge angotanga hukasha nekusagadzikana asi ndokuzodambura tambo yaanga akasungwa nayo achibva azoverevedza ndokuuraya vanhu vatanhatu nekukuvadza vamwe.

Nyaya iyi yaitika kunzvimbo yeStone Clere mumusha weRutendo kuRed Cliff.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya yekuuraiwa kwevanhu nekukuvadzwa kwevamwe vana nemurume aita mupengo wekuponda vanhu uyu.
Zvakawanda zviri kutevera.