Uncategorized

Apondera murume shamwarikadzi

20 Nov, 2021 - 08:11 0 Views
Apondera murume shamwarikadzi Insp Chazovachii

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekunzvimbo yakagariswa vanhu patsva yeTsunga Village 8 kuBeatrice, kudunhu reMashonaland East anonzi akafa mushure mekubaiwa nebanga nemudzimai wake achimupomera kuti aive arara kushamwarikadzi yake husiku hwaiva hwadarika.

Nyaya iyi yakaitika nemusi wa17 Mbudzi masikati apo Felix Mutasa anonzi akabaiwa nebanga naChristine Matutu (20).

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East Inspector Simon Chazovachii vanoti nemusi wa16 Mbudzi nenguva dza3 masikati, Mutasa akabva pamba pake achisiya mudzimai nemhuri ndokuenda kushamwarikadzi yake – Sencia Chimunda – munzvimbo imwe chete iyi.

“Murume uyu haana kudzoka kumba zvakaita kuti mudzimai nemhuri varare voga iye ndokurara achisanana neshamwarikadzi yake iyi Sencia Chimunda. Nemusi wa17 Mbudzi, Felix Mutasa akaenda kubasa kwake papurazi reMara kwakare kuBeatrice uko akasvikowana Christine Matutu avako kare sezvo vachishanda papurazi rimwe chete,” vanodaro Insp Chazovachii.

Matutu anonzi akazobvunza Mutasa kuti aiva arara kupi apo akapindura kuti aifanirwa kukanganwa nezvake sezvo pakanga pasisina rudo.

“Sencia Chimunda aiva shamwarikadzi yaMutasa anoshandawo papurazi rimwe chete reMara uye aitovawo kubasa panguva iyi. Mukutaurirana kwemudzimai nemurume uyu, kwakazoguma kwasvika pakuti vakakavadzane Mutasa ndokutanga kurova Matutu neshamhu kusvikira vakazonunudzwa nevamwe vashandi vepapurazi apa vachibva varegedzana,” vanodaro Insp Chazovachii.

Vaviri ava vanonzi vakazopedza basa zuva rodoka ndokutanga kufamba vachienda kumba vose nemumugwagwa zvairatidza sekunge nyaya iyi yakanga yapera.

“Vachifamba mumugwagwa kudaro, Christine Matutu akazobvunza Felix Mutasa kuti sei aiita mumwe mudzimai kunze iye aripo uye mudzimai waaidanana naye uyu vaishanda vose naye papurazi rimwe chete reMara. Mutasa anonzi akazotanga kurova zvakare mudzimai wake uyu nematanda achibva anunurwa nevanhu vachibva vasiyana,” vanodaro Insp Chazovachii.

Vanonzi vakazotanga kufamba vachienderera mberi nerwendo rwavo kuenda kumba apo Matutu anonzi akaburitsa banga remhando yeOkapi musatchel yake ndokubaya murume wake uyu kamwe chete kugotsi achibva angopunzika ndokufa.

“Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa, kwakazouya mapurisa ekuFurtherstone vachibva vasunga Christine Matutu nekuda kwemhosva yaari kupomerwa yekuponda. Banga reOkapi rinonzi rakashandiswa mukubaya murume uyu rakawanikwa nemapurisa seumboo munyaya iyi,” vanodaro Insp Chazovachii.

Mutumbi wemurume uyu wakazotakurwa kuendeswa kuchipatara cheChivhu kunoongororwa nanachiremba apo nyaya iyi iri kufambira mberi nekuferefetwa, Matutu ari mumaoko emapurisa.

Zvakadai, Insp Chazovachii vanoti nyaya dzemhirizhonga yemudzimba dziri kuwanda mudunhu ravo.

“Vanhu kana makugarisana mose semurume nemudzimai kureva kuti makazvipira uyewo munodanana, kana paita kusawirirana tsvagai vayananisi vanosanganisira mapurisa eVictim Friendly Unit (VFU) anowanikwa kumakamba edu ose, mafundisi, masabhuku, madzishe, makanzura nevamwe vakasiyana. Chinhu chikuru, tinoti hatikoshesei hupenyu hwevanhu nekuti kuurayana kana kurwisana hakuna chakunogadzirisa,” vanodaro Insp Chazovachii.

Share This:

Sponsored Links