Uncategorized

Apondera mwana doro

19 Nov, 2021 - 17:11 0 Views
Apondera mwana doro Insp Chazovachii

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wemumusha waSabhuku Zin’anga kwaZiko, kudunhu raMambo Seke asungwa nemhosva yekuponda mwanakomana wake nekumurova zvakaomarara achimupomera kuti anwa doro rake.

Raveson Simbini (41) anonzi nemusi weMuvhuro akarova mwanakomana wake wemakore 14 okuberekwa kusvikira apera simba ndokuzomumanikidza kuti aende kunotimba makomba kumunda uko akasvikotadza kuita basa iri.

Mwanakomana uyu anonzi akazofira mumba apo amai vake vakanga vachiedza kumupepa.

Nyaya iyi yakazosvitswa kukamba duku yemapurisa yekwaZiko zvakaita kuti Simbini asungwe.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East – Inspector Simon Chazovachii – vanotsinhira nyaya iyi.

“Mapurisa ekuDema asunga Raveson Simbini (41) nemhosva yekuuraya mwanakomana wake ane makore 14 ekuberekwa achimupomera kuti zuva raiva radarika aiva anwa doro rake. Akamurova nebhandi reganda muviri wese, amai vacho vakaedza kumudzivisa asi vakamutadza. Mutumbi wemwana uyu wakatakurwa kuendeswa kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital kunoongororwa nanachiremba,” vanodaro Insp Chazovachii.

Nyaya iyi chiri kufambira mberi nekuferefetwa.

Share This:

Sponsored Links