Apondwa achibva kubasa

08 May, 2023 - 15:05 0 Views
Apondwa achibva kubasa Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekwaMambo Nemangwe, kuGokwe, akafa mushure mekubaiwa nebanga kakawanda muviri wose nemumwewo murume panzvimbo yemabhizimisi yeko.

Jemias Mapolisa (30) aibva mubhuku raMasvina anonzi aienda kumba kwake achibva kubasa aine shamwarikadzi yake apo vakasangana nemunhurume aiva akazvivhara kumeso nenguwani yeshinda panzvimbo yemabhizimisi yeSunset.

Mukupesana nemurume uyu, zvinonzi akazobvuta nharembozha yerudzi rweVivo kubva kushamwarikadzi yaMapolisa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti shamwarikadzi yaMapolisa paakaona kuti zvinhu zvainge zvaipa, akabva atiza achisiya Mapolisa kumashure.

“Nemusi wa29 Kubvumbi nenguva dza1 mangwanani, mutumbi waJemias Mapolisa wakazowanikwa nemunhu aidarika uri pakati pemumugwagwa uri mudivi reropa. Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa epakamba yeGokwe uyewo kuferefetwa kwayo kuchiri kufambira mberi. Murume akapara mhosva iyi ari kutsvagwa kuti asangane nemhosva dzake kumatare edzimhosva,” vanodaro Insp Mahoko.

Vari kukumbira kuruzhinji vane ruzivo nekuda kwenyaya iyi kuti vataurire mapurisa ari pedyo navo kana kukanda mapepa ane mashoko mumaSuggestion Boxes emapurisa akatekeshera nenyika yose.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey