Apwanya nhare yemudiwa wake neshanje

21 Nov, 2022 - 07:11 0 Views
Apwanya nhare yemudiwa wake neshanje VaBusani Sibanda

Kwayedza

Mashudu Mambo

MURUME wekuBulawayo atongerwa kufondoka kwemaawa 245 pasina mubhadharo zvichitevera kubatwa kwaaitwa nemhosva mudare yekupwanya nhare yemusikana wake nesando.

Nkululeko Mkhwananzi (44) anobvuma mhosva yake yekuparadza nhare iyi pamberi pemutongi wedare remuBulawayo, VaBusani Sibanda, ndokutongerwa kugara mujeri kwemwedzi 12.

Mwedzi mina yemutongo uyu yasendekwa parutivi kwemakore mashanu nechitsidzo chekuti haafanirwe kupara imwe mhosva yerudzi urwu.

Mwedzi mumwe chete wasendekwa zvakare parutivi nechitsidzo chekuti aripire $18 900 kumumhan’ari Tafadzwa Sibanda inova mari yenhare yake yaakaparadza.

Mwedzi minomwe yange yasara yaiswa parutivi ndokunzi ashande maawa mazana maviri nemakumi mana nemashanu asingabhadharwe paZRP Magwegwe.

Nhare

Paabvunzwa kuti sei akapara mhosva iyi, Mkhwananzi anoti aisada kuti musikana wake ashandise nhare yaasina kutenga.

Dare ranzwa kuti nomusi wa2 Gumiguru nenguva dza3 mangwanani, Mkhwananzi akanetsana nemusikana wake mushure mekunge aona kuti aishandisa imwe nhare yaasina kumutengera.

Nehasha, akatora nhare yemusikana wake ndokuipwanya nesando.

Nhare iyi yaikosha US$30.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey