Argentina yaMessi yatiza neWorld Cup

19 Dec, 2022 - 08:12 0 Views
Argentina yaMessi yatiza neWorld Cup Argentina ichisimudza mukombe weWorld Cup kuQatar.

Kwayedza

Abel Ndooka

ARGENTINA ndiyo shasha dzepasi rese zvichitevera kukunda kwayaita France 4-2 kumapena mumutambo we2022 FIFA World Cup uyo watambwa manheru ano kunyika yeQatar.

Mutambo uyu, uyo wange uchinakidza kukunda ngoma kurira, wange wapera uri mangange 3-3.

Uyu ndiwo wangu uri mutambo wekupedzisira waLionel Messi achitambira nyika yake sezvo akati panopera mutambo wefainari ari kubva asendeka shangu dzake dzekutambira Argentina.

Mumutambo wanhasi, Messi anwisa kaviri kuchiti Kylian Mbappe weFrance akanda katatu achidzosa chikwata chake mumutambo uyu.

Mbappe ndiye abva ahwina golden boot kuWorld Cup sezvo anwisa kasere kumitambo iyi.

France, iyo yange iine vatambi vayo vazhinji vane madzinza ekuAfrica, ndiyo yange iine mukombe uyu mushure mekuutora muna2018.

Share This:

Sponsored Links