Aripa ‘bag’ rekuba nemombe 8

22 May, 2022 - 10:05 0 Views
Aripa ‘bag’ rekuba nemombe 8 Josphat Mapfidza (kuruboshwe) aine bhegi raanonzi akaba apo paitaridzwa zvimwe zvezvinhu zvaive mubhegi iri mudare raMambo Saunyama

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

MHURI yekuNyanga kuManicaland, iyo yagara ichishungurudzwa nemweya wemunhu akafa uyo aiva murwi wehondo yerusununguko kuburikidza nekuonekwa kweruoko rwusina munhu urwo rwunovabvutira mugoti pakubika sadza uyewo nepakudya, inonzi yazobatsirwa.

Josphat Mapfidza ange atotizwa nemhuri yake ndokusara ogara oga pamusha nekuda kwemashiripiti aya.

Zvisinei, mhuri yake yakazodzoka pamusha mushure mekunge Mapfidza aripa mombe sere kumhuri yemushakabvu anoinzi Cde Collins Tsvito Snr.

Mapfidza agara achipomerwa kuti akaba bhegi raiva nematombo aiva atorwa panzvimbo yakafira Cde Tsvito avo vaive murwi wehondo yekusunungura Zimbabwe apo marangwanda avo akawanikwa ndokunovigwa patsva.

Mukati mebhegi iri munonzi maiva nemagwaro ekutengesa mafuta emotokari (fuel copouns) anokwana marita 400, US$40 nemakadhi ekubhanga.

Mari iyi nemagwaro ekutenga mafuta emotokari zvinonzi zvakange zvapihwa kumwanakomana waCde Tsvito, Collins Tsvito Jnr nesangano reFallen Heroes Trust of Zimbabwe kuti vazokwanisa kunofukunura marangwanda ababa vake nekunoaviga patsva.

Panguva inodarika makore maviri, mhuri yekwaMapfidza yange yongorarama nekudya mupunga chete sezvo vakangoedza kubika sadza bedzi, vaibvutirwa mugoti neruoko rwusina munhu anoonekwa.

Collins Tsvito Jnr achiratidza mombe dzakaripwa naJosphat Mapfidza

Mushure mekunge mhuri iyi yaenda kun’anga, vakaudzwa kuti mashiripiti aya aikonzerwa nebhegi raiva rabiwa naMapfidza.

“Ndakaona bhegi iri serangu kudare raMambo Saunyama ndokuenda naro kumba, ndokuzoona kuti raisava rangu ndava kudhorobha reNyanga uye ndikaona kuti ndakanga ndanonoka kare kuti ndinoridzosera,” anodaro Mapfidza.

Kunze kwekuona ruoko rwusina munhu urwu, Mapfidza anoti aionawo mifananidzo yevanhu vaiva varwi vehondo.

“Ndaiona mifananidzo yevanhu vaiva varwi vehondo zuva roga-roga vachindiudza kuti ndidzose musoro wemumwe wavo.

Vaindityisidzira vachiti vachagara neni kusvikira ndabvuma zvavaida,” anodaro Mapfidza.

Muzukuru wemhuri iyi akataurwa naye – Marvellous Nyatondo – uyo akamirira mukuripwa kwemhosva iyi, anoti dambudziko iri rakapera.

“Tete vangu vakadzoka pamusha nevazukuru vavo mushure mekumbotiza sekuru pamusha nekuda kwemweya waCde Tsvito vairwisa munhu wose pamusha uyu. Pakutanga vakaenda kumusha kwavo ndokuzodarikira kunogara nevana vavo kuHarare,” anodaro Nyatondo.

“Ndakanga ndiri kumba kwemhuri yaMapfidza husiku hwadarika ndikatodya sadza ikoko nemhuri iyi, hapana chinoshamisa chakaitika paibikwa sadza iri sezvaiitika kare,” anodaro Nyatondo.

Share This:

Sponsored Links