Arohwa nemheni achibva kuchechi

15 Nov, 2022 - 13:11 0 Views
Arohwa nemheni achibva kuchechi Mheni

Kwayedza

Liberty Dube

MWANA musikana ane makore 14 okuberekwa wekwaOdzi, kwaMutare akarohwa nemheni ndokufa apo aibva kuchechi nemusi weMugovera wadarika.

Tanyaradzwa Kwembeya wekuVillage Q kwaMapembe aibva kuchechi nemukoma wake ane makore 17 okuberekwa nevamwe apo akarohwa nemheni ndokufa.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi yakaitika mumusha weKambarami, kwaMambo Zimunya.

“Ndinotsinhira nezverufu rwaTanyaradzwa Kwembeya uyo akarohwa nemheni paakahwanda muimba yekubikira yakapfirirwa nehuswa. Hapana fungidziro yakaipa maringe nerufu urwu,” vanodaro.

Tanyaradzwa nemukoma wake nevamwe vaibva kuchechi vachienda kumba apo mvura yakatanga kunaya.

Vakapotera pane imwe imba yekubikira yaiva pedyo.

Imba iyi yakazorohwa nemheni, Tanyaradzwa ndokufa apo mukoma wake nevamwe vaive mumba umu vakapukunyuka.

Asst Insp Chinyoka vanoti vamwe vaive mumba umu vakakurumidza kubuda mushure mekuona kuti yakanga yabatira moto.

Zvisinei Tanyaradzwa akatsva zvakaipisisa.

Mutumbi wake wakaendeswa kuchipatara cheVictoria Chitepo Provincial Hospital.

Chiitiko ichi chakaitika pasina mazuva maviri mushure mekunge murume ane makore 30 okuberekwa wekuChimanimani arohwa nemheni pamasowe.

Tichaona Mathew Ngoma akafira pamasowe aMadzibaba Tarisai Misheck mushure mekurohwa nemheni.

Madzibaba Misheck ainge amupa zano rekuti agare pakereke apa kwemazuva manomwe.

Nemusi wa24 Gumiguru, Ngoma nemumwe wake, Valentine Mukomo, vakaenda kurwizi rwaive pedyo kunogeza.

Vapedza kugeza, vakabva vapinda musango raive pedyo kunotsvaga huni sezvo vaida kubika.

Mvura yakabva yatanga kunaya ndokubva vamhanya kudzokera kumasowe vachisiya huni pasi pemuti.

Vakahwanda mutende raiva pamasowe apa apo Ngoma akazorohwa nemheni achibva afira ipapo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>