Trish Mukwazo
MURUME ane makore 23 okuberekwa wekuEmakhandeni, kuBulawayo, akatongerwa kugara mujeri kwemakore matatu nemhosva yekurova pamwe nekudzipa amai vake mushure mekunge varamba kushinha naye.
Takudzwa Madzipa akakumbira kushinha naamai vake vekumubereka, Mai Sarudzai Madzipa, avo vakaramba kuita chipini ichi zvikaita kuti avarove vakakuvara.
Madzipa akabatwa nemhosva yekurova uye kukuvadza amai vake nemutongi wedare reWestern Commonage Court, Provincial Magistrate Vakai Douglas Chikwekwe.
Vachipa mutongo uyu, mutongi Chikwekwe vanoti kunyangwe zvazvo Madzipa akagara muhusungwa kwenguva yakati rebei uye akabvuma mhosva yake, zvaakaita hazvina hunhu uye zvinoshungurudza zvikuru.
Vakatemera Madzipa chirango chekugara mujeri kwemwedzi 36, ndokuzosendeka mwedzi mitanhatu parutivi nechitsidzo chekuti anofanirwa kuita hunhu hwakanaka.
Muchuchisi munyaya iyi ndiMuzvare Audrey Kufandikani.