Arova amai zvose nemwana, ndokuvagusa vhudzi

28 Apr, 2023 - 16:04 0 Views
Arova amai zvose nemwana, ndokuvagusa vhudzi Dare

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUNYAYA inoshamisa, murume wekuChitungwiza akarova mumwe mudzimai pamwe chete nemwana wake, ndokuzovagusa vose vhudzi mumusoro nekuda kwechikonzero chisina kutaurwa.

Simbarashe Makoni wepanhamba 121 kuManyame amiswa pamberi pemutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, VaPrince Hurungudo, nemhosva mbiri dzinoti yekurova mudzimai uyu nemwana wake nekuzovagusa mumusoro.

Anobvuma mhosva yake uye apihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi mitanhatu akanzi abvise zvekare faindi yeUS$50 uye kukundikana kwake achagara mujeri kwemazuva 30.

Mwedzi miviri yabviswa pachirango chake nechitsidzo chekuti haafaniri kupara imwe mhosva yakadai makore mashanu asati apfuura.

Azobvisirwa mimwe mwedzi miviri zvekare nechitsidzo chekuti anofanira kuripira mumhan’ari Talent Katandire (31).

Mwedzi mina yange yasara, yasendekwa parutivi nechitsidzo chekuti Makoni anofanira kunofondoka kwemaawa 140 paSt Mary’s Police Station.

Muchuchisi, VaMunyaradzi Chisvo, vaudza dare kuti nemusi wa6 Kubvumbi gore rino munguva dzemanheru, Katandire akanga ari mushishi kugocha chibage chake ari mumugwagwa Rugare Street, kuSt Mary’s  aine mwana wake.

Makoni anonzi akabva atanga kurova mwana wemumhan’ari zvinova zvisina kumufadza achibva amubvunza chikonzero airova mwana uyu.

Akabva atosiya zvekurova mwana uya achibva anorova amai vacho muviri wose, mushure mezvo achibva avagusa vhudzi.

Vamhan’ari vaviri ava havana kuenda kuchipatara kunorapwa mushure netsekwende iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey