Arova mudzimai kusvikira afa

23 May, 2022 - 13:05 0 Views
Arova mudzimai kusvikira afa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekuSomabula, pedyo nedhorobha reGweru kudunhu reMidlands, anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova netambo achimupomera mhosva yekuti aiita chipfambi nevamwe varume vemunharaunda iyi.

Nyaya iyi inonzi yakaitika husiku hwemusi wa16 Chivabvu papurazi reKopje riri kuSomabula.

Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko vanoti Blessing Dlangisa (35) anonzi akaponda mudzimai wake Violet Dube (27) nekumurova netambo achimupomera kuti aiita gumbo mumba gumbo kunze.

“Nemusi uyu, vaviri ava vaibva kupurazi reLibenburg vachienda kupurazi reKopje uko vaigara. Apo vaiva mumugwagwa, vakatanga kutaudzana Dlangisa achipomera mudzimai wake mhosva yekudanana nevamwe varume. Anonzi akazotanga kumurova netambo kusvikira afenda ndokuzofa,” vanodaro Insp Mahoko.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa avo vakaenda kunzvimbo iyi ndokunowana mutumbi wemudzimai uyu wakarara pasi uchibva wazoendeswa kumochari yechipatara cheGweru.

“Blessing Dlangisa akazosungwa uye ari kubatsirana nemapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi achimirira kupinda mumatare nekuda kwemhosva yaari kupomerwa iyi. Tinokumbira veruzhinji kuti vasiyane nenyaya yekugadzirisa kunetsana kwavo nekurwisana asi kuti vanofanirwa kutsvaga vayananisi vakaita sehama, vemachechi nevatungamiri vematunhu vakaita semadzishe nemasabhuku kana makanzura,” vanodaro Insp Mahoko.

Zvichakadai, Insp Mahoko vanozivisa nezvetsaona yemotokari yakauraya vanhu vaviri ndokukuvadza mumwe apo yakarovera kungoro yaidhonzwa nerori ichibva yabheuka.

“Tsaona iyi yakaitika nemusi wa16 Chivabvu nenguva dza3 masikati mumugwagwa weHarare-Bulawayo padyo neguta reGweru. Rori remhando yeUD iri raidhonza ngoro yaityairwa naChemwapuwa Ndagurwa (43) wekuMahatshula kuBulawayo uyo aiva asina kutakura vanhu,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti mota yeHonda Fit yaityairwa naDumisani Mabuisela wekuLobengula kuBulawayo kwakare.

Zvinonzi pakasvika motokari yeHonda Fit pachinhambwe che314 kilometre peg, mutayairi wayo akatadza kunanga mumugwagwa ndokuenda kudivi remugwagwa risiri rake ujko akanorovera pangoro yerori ichibva yabheuka.

“Mutyairi uyu nemumwe wevanhu vaaiva akatakura vakabva vafa ipapo, mumwe wacho ndokukuvara. Mapurisa vakaziviswa nezvetsaona iyi, mitumbi yevaviri ava ikaendeswa kumochari yechipatara cheGweru. Akakuvara akaendeswawo kuchipatara chimwe chete ichi, nyaya iyi ichifambira mberi nekuferefetwa,” vanodaro Insp Mahoko.

Mapurisa anokurudzira vatyairi kuti vatevedzere mitemo yose yemumugwagwa uyewo kuti vasamhanye zvakadarikidza nedzimotokari dzavo.

“Tinotiwo kana vatyairi vaneta, ngavamise motokari dzavo vazorore, totevedza mitemo yose yemumigwagwa. Munguva dzehusiku, totarisawo mhuka dzesango nezvipfuyo zvinorara mumigwagwa kana zvinodarika,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey