Ashton odzoka kuEngland

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Ashton odzoka kuEngland

Kwayedza

CHRIS Ashton akasayina kondirakiti neSale kuti akwanise kudzoka muchikwata cheEngland zvichitevera kubva kwaakaita kuToulon.

Ange ari makwikwi ekurwira kutenga Ashton kubva paakanwisa hat-trick yemaBarbariasn apo yaitamba neEngland kuTwickengam muna Chivabvu ndokubva ataura chishuvo chake chekukwikwidza kumutambo weWorld Cup gore rinotevera.

Mutemo weEngland uripo iye zvino hautenderi kuti vatambi vanotambira kune dzimwe nyika vashavedzwe kuzotambira chikwata ichi.

Mushure mekunge afungisisa zvakadzama, Ashton — uyo ainge ashanyirwa nakaputeni weEngland anove sahwira wake, Dylan Hartley, paaive pazororo zvichitevera mutambo wemaBarbarians – ndipo paakazivisa Toulon kuti vamusiye achienda.

Pekutanga, chikwata chekuFrance ichi chakarwa zvakasimba kuti chichengetedze mutambi uyu asi hazvina kutadzisa Sale nemaHarlequins kurakidza nechido chekuda kumutenga uye svondo rino ndipo pakazobvuma Toulon kuti imusiye achienda.

Ashton haana hake kutaura zvakawanda pamusoro penyaya yekuda kutambira nyika yake, achiti pari zvino ari kufunga nezvemaSharks chete.

“KuToulon ndakadzidza zvakawanda ndichiwedzera zvimwe zvandakabva nazvo kuSaracens. Kune vatambi vakawanda kuSale Sharks avo vandiri kutarisira kutamba navo munguva inotevera. Handisi kuuya kuzororo.

Ndine rugby yakawada yekutamba yasara mumuviri wangu uye ndinoda kushanda nesimba kuti tidzorere chikwata ichi mukuhwina zvachaiita kumashure mugore ra2006.”  anodaro — SportsMail Rugby

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey