Uncategorized

‘Association’ yevarume pfambi

26 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
‘Association’ yevarume pfambi Murume pfambi achitaurirana nemukadzi anoda kumukecha

Kwayedza

…247 vakatonyoresa . . . ‘Tinozvitiwo maBen 10’… ‘Tichibhadharisa $100’

Phillipa Chinhoi-Mukome
KUNE varume vanoti vari kuita mari nekuita chipfambi nemadzimai — kunyanya vakaroorwa — avo vavanoti vanovabhadhara kuti vadanane navo.

Nechinangwa chekuda kuti vashande zvinozivikanwa, varume vanoita chipfambi ava vakatovamba sangano rinovamiririra iro rinotova nekomiti yakakwana.

Varume ava vanoti vanobhadharisa vakadzi mari dzinobvira pa$15 kusvika $100, kana kudarika, kuti vavape rudo rwegonera.

Kubva kare, vanhukadzi ndivo vaingotariswa sevanoita mabasa ekutengesa miviri yavo vachipihwa mari.

Asi zviri kutaurwa nevarume ava zvinoratidza kuti “masamba” asiyana — nevarumewo vari kubhadharwa nevakadzi kuti vashinhe vose pabonde.

Kunotova nevarume vari kubuda pachena kuKwayedza kuti vanoita bhindauko rekutengesa muviri yavo zvekuti vatova nesangano rinovamiririra rinonzi Zimbabwe Rainbow Community.

Vamwe vevarume ava — avo vanokumbirisa kuti mazita avo asaburitswe munhau nekuda kwekutya “kuurairwa basa” uye rusarura — vakabuda pachena pagungano rakaitwa nesangano reZimbabwe AIDS Network munguva pfupi yadarika paimwe hotera iri muguta reHarare kuti vanobhadharwa — kunyanya nemadzimai akaroorwa — kuti vashinhe navo.

Mutungamiriri wesangano reZimbabwe Rainbow Community — uyo anoda kuzivikanwa saThanks Senator — anoti huwandu hwevarume vakanyoresa kusangano ravo vari kuita mabasa ekutengesa muviri vachibhadharwa vanosvika 247.

Anoti varume vari kuita izvi vakatowanda kudarika apa asi vazhinji vavo vachiri kuhwanda nekutya kusekwa kana rusarura.

Kudzi Savanhu

Anotizve varume ava vari kutowana chouviri nemabasa ekutengesa muviri, vamwe vachitoendesa vana vavo kuzvikoro zvinodhura nekubhadhara mari dzerendi kumisha inogara shoroma.

Varume ava vanotozvipa zita remadunhurirwa rekuti “Ben 10” senzira yekuedza kunzvenga nyaya dzerusarura munharaunda dzavanogara.

“Kune mamwe madzimai asina varume kana kuti vanoshayawo anopfimbawo avo vanotidaidza kuti ropa ravo rimbotekenyedzwa vobhadhara mari inobvira paRTGS$15 kusvika paRTGS$100, kana kutodarika. Kunewo mamwe madzimai ane varume vanorwara nezvirwere zvakaita secheshuga, bp, misana nezvimwewo avo vanototitsvaga kuti zvimboita zviri nane nepamusaka pekurwarirwa,” anodaro mumwe wevarume vanotengesa muviri ava.

Anoti mamwe ematambudziko avari kusangana nawo ndeekukundikana kubuda pachena apo vanoenda kuzvipatara nemakiriniki kunorapwa zvirwere zvenjovhera sezvo vachisvikobvunzwa kuti vanenge vachishinha nevadikanwi vakadii, kuti varapwe pamwe chete navo.

Hazel Zemura

Anoti hazvikwanisike kuudza vanamukoti kana machiremba vanhu vavanenge vachidanana navo nekuti vamwe vacho vane varume vavo mudzimba.

“Sevarume, hatizokwanisi kudura kuti tinotengesa muviri. Asi tingada kucherechedzwawo nekuti tiripo, tinoita mabasa iwaya – handi basa remadzimai bedzi,” anodaro mumwewo murume.

Varume vanoita mabasa echipfambi ava vanokumbira kuti varapwe vasina kubvunzurudzwa zvakawanda, kunyanya maringe nevadikani vavo senzira yekuti vakwanise kuderedza zvirwere zvepabonde izvo zvinombovabata nekuda kwebasa ravo.

Mumwe wevarume ava anoti mamwe matambudziko avari kusangana nawo ndeekupomerwa mhosva dzeumbavha apo vanoenda kudzimba dzevadikani vavo.

Anoti mhosva idzi vanowanzodzipomerwa nemadzimai anenge “avakecha” nekuda kwekuti vanenge vachiedza kunzvenga kuvabhadhara.

Pamusoro pezvo, anotiwo mamwe makasitoma avo haadi kushandisirwa dziviriro semakondomu sezvo vachiti vanenge vachida kunyatsofadzwa kana kuti vanenge vabhadhara mari yakawanda izvo zvinoita kuti vapinde panyatwa yekutapurirwa zvirwere zvepabonde.

Varume pfambi ava vanoti kana vari vakaroora, madzimai avo havazive kuti vanoita basa rekubhadharirwa chipfambi.

“Seni, wangu mudzimai haazvizive, anongoona ndichiunza mari bedzi kumba. Pamwe pacho anongofunga kuti ndiri kuma’conference’ iwaya, asi ini ndichiita chipfambi ndichibhadharwa nevakadzi.

“Kumba kwacho hakungagarike kana mudzimai wangu akazviziva saka tinovavanza sezvinongoitwawo nevakadzi pfambi,” anodaro Sanator.

Anoti sangano ravo rinobatsira varume vanoita izvi kuti vazive mapiritsi kana kuti mishonga yemisana.

Mazhinji emapiritsi anoshandiswa kuita izvi haatenderwe muZimbabwe izvo zvinoita kuti atengeswe pamikoto.

Bepanhau reH-Metro nguva pfupi yadarika rakaburitsawo nyaya inodyidzana neiyi apo Kudzi Savanhu wekuWaterfalls, muHarare, akabuda pachena kuti mamwe madzimai akaroorwa anotomubhadhara mari yakawanda kuti avaratidze sikarudzi yake.

Kudzi anoti haaimboziva kuti kune mari ingauya zvakapfava kudai.

Anoti vamwe vakadzi vanouya kwaari vachibva kunyika dzakaita seSouth Africa kana kuEurope.

Otaura nezviri kuitika izvi, Hazel Zemura, uyo anove communications and advocacy officer kusangano reZimbabwe AIDS Network, anoti iye zvino zvinhu zvasanduka sezvo vamwe varume vave kutengesawo bonde.

“Varume ava vanosangana nematambudziko ekuti vanorwiswawo nemadzamai avanenge vatengesera bonde. Mudzimai kana abhadharawo, ndiye anototonga saka varume ivava vanopedzisira vave kuitirwa shanje.

“Tinotori nemurume akadhumhwa nemotokari nemudzimai waitengesera bonde pamusaka pekuti ainge amuona aine mumwe musikana. Nyaya yacho yakazongotongwa zvayo setsaona asi pakanga paita shanje,” anodaro.

VaMemory Chindewere — avo vanova programmes officer kusangano rinomirira kodzero dzevanhurume rePadare/Enkundleni Men’s Forum on Gender — vanoti nyaya yekutengesa bonde haisi yekutarisa kuti uyu murume here kana kuti mukadzi, asi kuti inyaya yemuraramiro.

“Kare taifunga kuti vanhukadzi ndivo vanotengesa muviri nekuti kazhinji vanenge vasina chouviri chekuti vararamise mhuri, asi tava kutoona kuti varume vave kuitawo zvekutengesa bonde izvi,” vanodaro.

Vanoti zvakakosha kuti varume vari kutengesa muviri ava vashandise dziviriro kuitira kuti vasatapurirwe zvirwere zvepabonde.

Kuchiti Mai Edna Masiyiwa, vanove executive director wesangano reWomens Action Group (WAG), vanoti varume vave kutengesa miviri yavo ava inzira yekutsvaga kurarama.

“Inyaya yemararamiro atave kuita asi nyaya dzevarume vanotengesa muviri dzakagara dziriko. Kungoti bedzi dzaisangoburitswa pachena.

“Nyaya dzekutengesa muviri hadzifanirwi kungonzi zviri kuitwa nevakadzi chete nekuti mukadzi anenge achitopanana bonde nemurume, saka vose ipfambi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey