Asungirwa kutora mapfupa esvikiro mubako

09 Jan, 2023 - 09:01 0 Views
Asungirwa kutora mapfupa esvikiro mubako Takwana Mutindi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anozviti isvikiro wekuGoromonzi pedyo nemaruwa ekwaSeke anonzi akaenda kumakomo ane ninga dzinoyera akanokwadabura matombo aive pamusiwo webako, ndokufukunura mapfupa anonzi ndeesvikiro guru revanhu vemutupo weVhuramayi vekwaSeke.

Takwana Mutindi (25) anonzi aiva nevamwe vekumba kwavo vanosanganisira amai vake apo vakaenda kunzvimbo inoyera kunongonzi kuchikomo, ndokunopinda mumapako achinzi aida kuita mhiko dzake dzechivanhu kwemazuva matatu mukutanga kwegore rino.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Simon Chazovachiyi, vanotsinhira kusungwa kwaMutindi achipomerwa kufukunura mapfupa emunhu muninga.

“Tinayo nyaya yemurume anozviti isvikiro uyo akasungwa nemapurisa nenyaya yaari kupomerwa yekufukunura mapfupa emunhu muninga. Zvizhinji zvava kumatare edzimhosva,” vanodaro Insp Chazovachiyi.

Sabhuku Chiromo, Mai Enisia Mavhunga (53), vepapurazi reDunstan riri kudunhu raMambo Rusike, kunova pakafukunurwa mapfupa aya, vanoti vakaridzirwa nhare vari kuchipatara mukupera kwegore richangodarika zvichinzi kune masvikiro aiva afunukura mapfupa emunhu muninga inoyera.

Sabhuku Chiromo

“Ndakaridzirwa nhare naVaJohn Nyamundeza (44) vechechi yeZambuko Apostolic Church vane sowe riri padyo nechikomo ichi. Vakati vaona masvikiro akabairira pasi mapakatwa muchikomo ichi nehari vachipinda muninga iyi vachidzvova sevakabatwa nemidzimu.

“Vakati vakataura navo kuti vabve vachibva varamba vachiti vaida kutanga vapedza mazuva matatu emhiko dzavo vari mubako umu. VaNyamundeza vanoti vakazoona mapfupa akafukunurwa muninga iyi,” vanodaro Sabhuku Chiromo.

Vanoti vakazodzoka kubva kuchipatara ndokusvikopirwa nyaya iyi nemunyori wemumusha wavo, Mai Charity Chakonya (50), zvose nemupurisa wemusha VaAustin Charehwa (52).

“Ndadzoka, ndakasvikotaurirwa nyaya iyi nemunyori wemusha nemupurisa kuti pane svikiro rakaburitsa mapfupa emufi muninga. Nyaya iyi yakaguma yasvika kuvaridzi vegomo rine ninga iyi vekwaSeke. Svikiro iri rinonzi Takwana Mutindi.

“Nyaya iyi takazoizivisa sadunhu wedu vakazoiendesa kwaMambo Rusike uye yakamhan’arwa kumapurisa. Vakuru venzvimbo ino vakazouya nerimwe svikiro mapfupa aya akafushirwa pakare.

“Mutindi akabva asungwa,” vanodaro Sabhuku Chiromo.

Chikomo chinoyera chine ninga

Vanoti mumwe wevanhu vari munyaya yekufukunura mapfupa aya ndiKuda Nhavira (25) naamai vaMutindi.

“Uyu anonzi Kuda Nhavira aiva nemudzimai wake anoitawo zvekusvikirwa anonzi akanga akasvikirwa vari mubako umu pamwe chete naTakwana Mutindi vachitsinhanha kudzvova. Svikiro iri rinoti rakarotswa kuti raizonosangana neguva remumwe murume anonzi Stern mubako umu. Mune mamwe mashoko akataurwa nesvikiro iri, rinoti mapfupa avakaona mubako aya ndeemombe kwete emunhu,” vanodaro Sabhuku Chiromo.

Vanoti pane imwe nguva apo Mutindi akambodambura musoro wenyoka yaiva yauraiwa akaenda nawo achiti aida kunoita mhiko nawo.

VaNyamundeza vanoti pakaita basa kuti vakwanise kuburitsa vanhu ava muninga umo vachidzvova varimo vakazoguma vabvisa zviyo zvavo zvavainge vaisamo, ndokuenda kuseri kwechikomo ichi uko vakafambira mberi nemhiko dzavo.

Achipawo divi rake, Mutindi anoti vakaenda kuninga iyi vachida kunoteura chivanhu chavo.

“Tasvika mubako umu nehari dzedu, takatanga kuteura tichida kusvitsa mazuva matatu. Takazotadza kusvitsa mazuva matatu tabviswa, ndipo pakazoonekwa mapfupa aya anonzi ndeemunhu. Hamheno, ini ndinofunga kuti ndeemombe, zvekuti ndakarotswa ndichitaurirwa kuti ndichanoona mapfupa emunhu anonzi Stern handiyeuke ndichizvitaura.

“Ndakasungwa nemapurisa uye nyaya iyi yava kumatare edzimhosva ndichadzokera kudare nemusi wa25 Ndira,” anodaro Mutindi.

Mai Everzeal Mutindi (59) vanova amai vaMutindi vanotsinhira kuti kune mashoko ekuti mwana wavo ari kunzi akafukunura mapfupa emufi muninga asi havana chokwadi nazvo.

“Mwana wangu nevamwe vakaenda kuninga uku kunoita chivanhu chedu. Ndipo pavanonzi vakazofukunura mapfupa emufi ari kunzi ndeesvikiro guru rekwaSeke. Nyaya yava kumapurisa,” vanodaro Mai Mutindi.

VaTinashe Chitsuro vanoti nyaya dzevanhu vari kushandisa mweya zvisizvo dzawanda mudunhu ravo izvo zvave kukonzera kusagadzikana.

Pane nyaya dzevanoita zvechivanhu nemaporofita vanonzi vari kupinda mumapako nemuninga vachitora mapfupa evashakabvu vachida kuzvisimbisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey