Asungwa aine mota izere nyama yekuba

08 Sep, 2022 - 13:09 0 Views
Asungwa aine mota izere nyama yekuba Mandlenkosi Sibanda

Kwayedza

Canditar Chapanduka naTafadzwa Chibukwa

MAPURISA asunga murume anofungidzirwa kuti imbavha kuEsigodini mushure mekunge vamwe vake vatiza netsoka zvichitevera kudzingirirwa kwakaitwa motokari yavo mugwagwa mukuru weko.

Mandlenkosi Sibanda (50) wekuEsibomvu akasungwa nemusi weChitatu chino pakati pehusiku apo pakazoonekwa nyama yemhou mbiri neyemhuru mumotokari yerudzi rweHonda CRV yaaityaira.

Mbavha idzi dzinonzi hadzina kumira paroadblock yemapurisa kuEsigodini dzichibva dzatiza dzakananga kuBulawayo izvo zvakazoita kuti mapurisa adzidzingirire.

Mumwewo mutyairi akabatana nemapurisa mukudzingirira makororo aya.

Pavakaona kuti vakanga vavharirwa uye vasisina kwekutiza nako, vamwe vavo vaviri vanonzi vakabva vasvetuka kubva mumotokari ndokunyangarika murima.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reBulawayo, Inspector Abednico Ncube vanoti: “Mapurisa akadzingirira motokari iyi apo mumwe mutyairi akabatsirana navo. Motokari iyi yakazobatwa yashaiswa kwekutiza nako apo vamwe vanhu vaviri vaivemo vakabva vatiza,” vanodaro.

Imwe yenyama yemombe dzakabiwa yakawanikwa

Insp Ncube vanoti Sibanda akasara ari mumotokari iyi zvikaita kuti asungwe uye akazoendwa naye kukamba yeDrill Hall Police Station kuBulawayo pamwe chete nemotokari yake yaive nenyama yemombe.

“Mapurisa paakabvunzurudza Sibanda, akabvuma kuti vatatu ava vanoshandira muridzi wemotokari iyi kuba nekuuraya mombe mumugwagwa weHarare mushure meShangani,” vanodaro Insp Ncube.

Sibanda ari kubatsira mapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi.

Insp Ncube vanoti makororo aya aishandisa mbezo nematemo kuuraya zvipfuyo izvi.

Vanorumbidza mapurisa anoshandira mumigwagwa ekuDrill Hall nebasa rakanaka ravakaita.

“Tinotenda basa rakanaka rakaitwa nemapurisa edu anoshanda kunyangwe nehusiku kurwisa nyaya dzehumbavha. Tiri kuyambira veruzhinji kuti Bulawayo haife yakaita nzvimbo yekuve musika wezvinhu zvinenge zvabiwa,” vanodaro.

VaKhumbulani Ndlela, avo vakabirwa mombe dzine nyama yakazowanikwa, vanorumbidza mapurisa nebasa guru ravakaita.

“Semurimi, zvinorwadza kuti ndinoshandisa mari zhinji ndichiedza kurarama asi mumwe munhu ongouya kuzoba nekuuraya mombe dzangu, zvipfuyo izvi zvinokosha US$1 200,” vanodaro.

VaNdlela vanoti vane fungidziro huru yekuti mbavha idzi dziri kushanda nemumwe muzvinabhzimisi ane bhucha kuNkulumane.

Vanoti itarisiro yavo kuti muzvinabhizimisi uyu arangwe nemutemo.

Share This:

Sponsored Links