Uncategorized

ATAMBUDZWA NEGUMBO

13 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
ATAMBUDZWA NEGUMBO Nathan Chirongwana achiratidza nyama yakarembera pagumbo rake. - Mufananidzo naKimberley Kazungu.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wechidiki wekuChipinge uyo anova nherera, anoti akazvarwa aine nyama yakarembera pagumbo rake iyo yakurisa zvekuti haachakwanisa kufamba zvakanaka kana kuita mamwe mabasa.

Nathan Chirongwana wemubhuku raMagodo, kwaMambo Musikavanhu – uyo ava kungomberereka nemigwagwa muguta reHarare – anoti akaberekwa aine nyama yakarembera patsapfu yegumbo rake rekuruboshwe.

Vabereki vake vanonzi vakashaya mari yekumurapisa iyo yaidiwa nemachiremba kusvikira denda iri ragodza.

“Vabereki vangu vakazoshaika vose ndokusara nedambudziko iri. Gumbo iri rakazoremara nekuremerwa nenyama yamuona iyi. Ndakazotadza kuenderera mberi nechikoro apo ndakagumira Fomu 2 ndave kutadza kufamba uyewo ndava kushaya mari yechikoro,” anodaro Chirongwana.

Haasati aroora uye anoti vakaberekwa vari vaviri nemukoma wake uyo waasingazive kwaari kubva apo akaenda kuChiadzwa kunoshava.

“Ndiri kurarama nekupemha muguta reHarare, kwaMutare kana kuChipinge nekuti handina chandinokwanisa kuita. Vane tsiyo nyoro ndivo vanonditakura kana ndave kuda kuenda kwakasiyana. Musha wevabereki vangu wakaparara,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Kana ndapedza kupemha, ndinonorara pedyo nemagadhi anorinda nzvimbo dzakasiyana muno muguta.

“Ava mangwanani, ndinopinda muzvimbuzi ndogeza ndozouya pano pamuti pakanangana neTown House munaJulius Nyarere.”

Chirongwana anotiwo anoda pekugara pakanaka.

“Chirwere ichi handinyatsoziva kuti igomarara here kana kuti kwete. Ndakamboenda kuParirenyatwa (Group of Hospitals) zvikanzi paidiwa mari yakawanda yekuti ndirapwe. Ndakambobviswa imwe nyama kumagadziko, izvozvi padama pane imwe yave kumera zvakare nedzimwe nzvimbo dzemuviri wangu,” anodaro.

“Kune vanodawo kundibatsira vanogonawo kuuya kumahofisi enyu eKwayedza nekuti handina foni,” anodaro.

Anoti mukoma wake, Chamunorwa Shereni Chirongwana (36) anofungidzira kuti ari kwaMutare kana kuMozambique.

Share This:

Sponsored Links