Atengera tezvara ma’sneaker’ seroora

19 Jan, 2023 - 08:01 0 Views
Atengera tezvara ma’sneaker’ seroora Sekuru Leviticus Mafara (vane sutu yegrey) nemukuwasha wavo, Lameck Mutsenhu, (asina shangu)

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

MURUME wekwaChigodora, kwaMutare, akatengera tezvara vake shangu dzemhando yemateki (sneakers) panzvimbo yedzedehwe sezvimwe zvezvavaida paroora remwana wavo.

Chakanyanya kutsamwisa mhuri yekwaMufara inyaya yekuti roora remwanasikana wavo rakauya kwapera makore anodarika 30 mushure mekunge mukuwasha wavo, Lameck Mutsenhu, atozonzi nedare aroore.

Izvi zvakaitika mushure mekunge Sekuru Leviticus Mafara vaenda kudare raSadunhu Chigodora vachida kuti vavabatsire kuti mukuwasha wavo abvise roora.

Nekuda kwaizvozvo, Mutsenhu akanzi nedare auye neroora raidiwa natezvara vake kudare.

Mutsenhu akabva atenga sutu itsva yeblue, masokisi, bhandi, hembe, tayi nemateki (sneakers) machena sembatya dzababa vemudzimai wake, Sekuru Mafara.

Shangu idzi haidzina kufadza Sekuru Mafara avo vaive vakatarisira dzemhando yedehwe dzaizoenderana nesutu itsva.

Vanoti kunze kwekutadza kutenga shangu dzavanoda, sutu iyi yaifanirwa kuperekedzwa nenharembozha, nguwani, tsvimbo yemhando yepamusoro newachi.

“Ini ndachembera, asi ndinoziva kuti shangu idzi hadzina kufanira kupfekwa nesutu. Aya ma’sneaker’ ndeevana uye ini handiafarire. Ndinokumbirisa dare kuti adzoke auye neshangu dzakakodzera pasutu.

“Kana shamwari dzangu dzinotondiseka dzichiona ndakapfeka shangu idzi nesutu,” vanodaro Sekuru Mafara.

Nhume yaSadunhu Chigodora ichiongorora mbatya neshangu zvakatengwa Lameck Mutsenhu sechikamu che roora mudare

Vanonyunyuta vachiti sutu iyi yaifanira kuuya iri mhando yezvidimbu zvitatu (three-piece suit).

“Iyi haisiriyo sutu yandinoda. Aifanira kundibvunza asati atenga. Ini ndinosarudza sutu yezvimedu zvitatu ine waistcoat inoenderana uye iyi yeblue haisi ruvara rwandinoda. Dai akandibvunza ndingadai ndakamuudza zvandaida, asi mushure memirairo yedare, akangomhanya ndokunditengera zvaaiona zvakakodzera. Ini kutaura chokwadi handidi masutu ane zvidimbu zviviri (two-piece suit),” vanodaro.

Sekuru Mafara vanotiwo nekushaikwa kwenharembozha yavari kuda, zvinoratidza kuti mukuwasha haasi kurevesa nekubhadhara roora remwanasikana wavo.

“Pandakamupa gwaro remari yeroora rangu (list), takawirirana kuti aizonditengera nharembozha, asi nhasi haipo. Iyo ngowani inowanzoenderana nesutu haipo zvakare, pamwe chete newachi uye netsvimbo.

“Izvi zvinongoratidza kuti murume uyu haadi kuroora mwanasikana wangu. Ndinofunga kuti haana kana basa nazvo kuti akagara nemwanasikana wangu kwemakore anopfuura 30 pasina chaabhadhara. Ndofamba sei ndisina bhutsu, wachi uye tsvimbo? Hazvina musoro,” vanodaro Sekuru Mafara.

Asi Mutsenhu anoti achagadzirisa mhosva dzake dzekutenga shangu dzisiridzo nekuita zvimwe zvinodiwa.

“Ndapedza chikwereti cheroora uye ndichatsvaga mari yekuti nditengere vatezvara vangu zvinhu zvishoma. Ndakatuma munhu kunotenga bhutsu handina kuziva kuti aizotenga dzisiridzo,” anodaro.

Sadunhu Chigodora vakatsoropodza Mutsenhu nekuda kwekutenga mateki aya ndokuti anofanira kutsvaga shangu dziri kudiwa navatezvara vake.

“Chokwadi, shangu idzodzo ndedzevarume vechidiki. Unogona kuzvipa kumwana wako ari kuenda kuchikoro kuti azvishandise seshangu dzemitambo. Ndinonzwisisa kuti waita zvose zvaunogona kuti mbatya idzi dzive pano nhasi.

“Tinokurumbidza naizvozvo nekuti zvese zvitsva zvawauya nazvo asi chinongodiwa chete kutenga nharembozha, wachi, tsvimbo neshangu dzedehwe kuti tigadzirise nyaya riripo,” vanodaro Sadunhu Chigodora.

Vanokurudzirawo Sekuru Mafara kuti vagamuchire zvakatengwa nemukwasha wavo kwete kungoramba vachingonyunyuta.

“Vanhu vashoma munzvimbo ino vane sutu yakanaka kudai. Iyo sutu iyi tiri kuona iri yemhando yepamusoro saka regai kunyunyuta. Kana imi muchida sutu yezvidimbu zvitatu zvakanyanya, pamwe munogona kupa iyi kumwanakomana wenyu kuti akutengerei sutu ine zvidimbu zvitatu. Zvikasadaro, mugutsikane nemurume uyu aita zvose zvaanogona kuti muwane mbatya dzenyu,” vanodaro sadunhu ava.

Mutsenhu akabvisawo mombe ina seroora kumhuri yekwaMafara.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey