Atori ma1 kuChibuku Road to Fame

30 Sep, 2022 - 18:09 0 Views
Atori ma1 kuChibuku Road to Fame Mai Patricia Murambinda

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KUCHANGE kuri kumakuwerere kumutambo weChibuku Road To Fame Final neMugovera uno kuGlamis Arena muguta reHarare.

Chirongwa ichi, icho chinorongwa nekambani huru inogadzira nekutengesa zvinwiwa yeDelta Corporation, chinotevera mimwe mitambo mikuru yerudzi urwu yakaitwa pachidanho cheProvincial Finals nemusi wa6 Nyamavhuvhu.

“Zvichitevera mitambo mishanu yemaProvincial Finals yakaitwa, vanwi nemakasitoma akasiyana vakaratidza kufadzwa zvikuru.

“Gadziriro dzasvika kwamvura yacheka makumbo kuti kunge kuchiitwa makwikwi eChibuku Road to Fame National Final,” anodaro Patricia Murambinda anova mukushi wemashoko wekambani iyi.

Anoti kuchange kuine vaimbi vakasiyana uye vanhu vachapinda pachena kutanga nenguva dza12 masikati.
Vaimbi vachatandadza veruzhinji padopiro iri vanosanganisira Winky D, Baba Harare, Ex Q, Godfather Templeman naMark Ngwazi.

Share This:

Sponsored Links