‘Aubameyang, Lacazette ka1’

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
‘Aubameyang, Lacazette ka1’ Pierre-Emerick Aubameyang

Kwayedza

PIERRE-Emerick Aubameyang anokurudzira murairidzi weArsenal – Unai Emery – kuti ashandise kuwirirana kuri pakati pake naAlexandre Lacazette nedonzvo rekusimudzira matambiro echikwata chavo.

Emery akatanga hupenyu hwake semurairidzi weArsenal nekuzvamburwa mumaoko eManchester City svondo radarika, apo paakasarudza kusatangisa Lacazette.

Chizvarwa chekuFrance ichi chakaunza mufaro mukuru kuArsenal zvichitevera kutengwa kwaakaitwa nemari inosvika 53 miriyoni paunzi mugore ra2017 uye akatanga achipisa kuEmirates.

Zvisinei, matambiro aLacazette akazodzikisirwa nekuuya kwaAubameyang munaNdira uye kutangisa vatambi vaviri ava kwange kuri kunetsa zvikuru kuvatambisa pamwe chete.

Asi chizvarwa chekuGabon ichi – Aubameyang – anoti anofunga kuti vanogona kutamba vese vakanetsa, hunge vasarudzwa naEmery muchikwata chake uye ndokutaura kuti anogona kusuduruka pachinzvimbo chake chaanofarira kutamba kuti Lacazette apinde muchikwata vatambe vese.

“Tinotamba tese zvakanaka uye tinowirirana,” Aubameyang akaudza ESPN. “Pane kamoto kanobaka kana tiri kutamba tese tiri munhandare.

“Tinotsvagana, takazviona nemusi weSvondo apo takatamba neCity paakapinda. Handina basa nazvo kutamba chinzvimbo asi hunge Laca akapinda otamba pachinzvimbo changu. Chatinoda chete kubatsira chikwata chedu chibudirire.” — Sportsmail Football

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey