Auraya baba, ndoikuita amai kafiramberi

18 Jan, 2022 - 13:01 0 Views
Auraya baba, ndoikuita amai kafiramberi

Kwayedza

Prosper Dembedza

MURUME ane makore 23 ekuberekwa ari kutongwa mudare reHarare Magistrates Courts nemhosva yekuponda baba vake nekuvabaya nebanga uye ndokuzobayazve amai vake mushure mekunetsana nenyaya isati yazivikawa.

Daniel Niyata Fissum akamiswa pamberi pemutongi Yeukai Dzuda uye ari kutongwa achibva mutirongo mushure mekuudzwa kuti kana achida bhera anokumbira kudare guru reHigh Court.

Zvinonzi nemusi weMugovera wadarika, musungwa uyu akava nekusanzwanana nababa vake avo vaishanda kuUN Agency muZimbabwe achibva avabaya nebanga kusvika vafa.

Mushure mekuuraya baba vake, Fissum anonzi akabva aenda kuna amai vake – Jordanos Zerom – ndokuvabaya kakawanda nebanga pachipfuva nekumusana zvikaita kuti vakuvare zvakanyanya.

Amai vake vakazoendeswa kuchipatara kuti vanorapwa uye vanonzi vari kurwara zvakanyanya vari paTrauma Centre Hospital iri kuBorrowdale, muguta reHarare.

Share This:

Sponsored Links