Auraya munhu nechigero

19 Apr, 2022 - 15:04 0 Views
Auraya munhu nechigero Insp Abednico Ncube

Kwayedza

Thandeka Moyo-Ndlovu

MURUME wekuBulawayo, uyo achangobva mukupika jeri, ari kutsvagwa nemaziso matsvuku nemapurisa eko achipomerwa kubaya mumwe murume nechigero achibva afa vachirwira shamwarikadzi.

Murume uyu anogara murukisheni rweMabuthweni uye anonzi akabaya Sifelani Moyo anobva kuNgozi Mine kunzvimbo yeRichmond kaviri nechigero nenguva dzemanheru emusi weChipiri.

Vagari vekuNgozi Mine vanonzi vakamuka vachiona mutumbi waMoyo nemusi weChitatu uye mukadzi akangozivikanwa nekuti Masuku anotsinhira kuti varume vaviri ava vakamurwira izvo zvakamumanikidza kuti atize atsvage kumwe kwekunorara.

Vatori venhau vakashanyira nzvimbo iyi iyo ine zvitangwena ndokuwana mutumbi wemurume uyu uri kunze kwechitangwena chaMasuku.

Mukuru wevagari vekuNgozi Mine, VaGideon Tshuma, vanoti vakaziviswa nezvechiitiko ichi mangwanani emusi weChitatu.

“Shamwarikadzi yake yakatiudza kuti varume vaviri ava vaimurwira. Ari kupomerwa kuuraya munhu anobva kuMabuthweni, akaburitswa mujeri masvondo mashoma adarika uye anongouya achishanyira mukoma wake anogara kuno.

“Takamhan’ara nyaya iyi kumapurisa, hatisati tanzwa kuti chii chaizvo chakaitika asi tinoziva kuti mumwe watinogara naye akadhumanisa varume vaviri ava zvikaita kuti mumwe wavo afe,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reBulawayo, Inspector Abednico Ncube, havana kukwanisa kutaura zvakawanda pamusoro penyaya iyi sezvo vachiti havasati vawana mashoko azere pamusoro payo.

Share This:

Sponsored Links