Uncategorized

Auraya mwana, ndokutema-tema mutumbi

07 May, 2022 - 00:05 0 Views
Auraya mwana, ndokutema-tema mutumbi Senzeni Desire Ndebele

Kwayedza

Kwanele Khumalo

MUDZIMAI wekuKezi kuMatobo, kudunhu reMatabeleland South – uyo anogara kuSouth Africa – akasungwa nemapurisa achipomerwa mhosva yekuuraya mwana mukomana wemurume wake ane makore matanhatu okuberekwa, ndokutema-tema mutumbi wake kuita zvidimbu-zvidimbu.

Colonel Dimakatso Sello, vanova mutauriri wemapurisa ekuSouth Africa, vanotsinhira nyaya iyi.
Senzeni Desire Ndebele anonzi akauraya mwana uyu, ndokutema-tema mutumbi wake senzira yekupfidzisa murume wake nekuda kwechikonzero chisina kuzivikanwa.

Anonzi akabva atora mutumbi uyu ndokuuisa musaga.

Hazvisati zvazivikanwa kuti mwana uyu akapondwa rinhi asi Ndebele anonzi akarongedza mabhegi ake nemusi weChina chadarika, ndokubva atiza nevana vake vaviri.

Mwana akaurayiwa

Mutumbi wemwana uyu wakaonekwa nemusi weChishanu chadarika kunzvimbo yeTurffontein iri kuJohannesburg uko kwaigara Ndebele.

Murume waNdebele anova baba vemwana akapondwa uyu – Newton Mntinsi – anoti haana ruzivo rwekuti sei mwanakomana wake akauraiwa.

“Ndatyiswa zvikuru nezvandaitirwa nemudzimai wangu, hatina kumbobvira tanetsana mukugara kwedu kuti ndifunge kuti pamwe aitsividza kumwana wangu. Zvinhu zvose zvange zvakanaka pakati pedu,” anodaro.

Zvichakadai, kunyangwe zvazvo Ndebele akaedza kutiza, haana kubudirira sezvo akasungwa paSasol Garage kuJohanesburg apo aienda kuEastern Cape.

Mntinsi anoti vachakamirira kuti mutumbi wemwana wake uvhenekwe nemachiremba kuitira kuti zvigozivikanwa kuti akapondwa rinhi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>