Ava mukadzi wevarume 2

31 Dec, 2020 - 15:12 0 Views
Ava mukadzi wevarume 2

Kwayedza

Gibson Mhaka
MURUME wekuZaka, kuMasvingo, anonzi akanotora mwanasikana wake kumurume wake, ndokumuroodza kune mumwe achiti mukuwasha wake wekutanga murombo uye haana kukodzera.
Ruramai Maronjese anonzi anga akaroorwa naAleck Hove asi ndokuzotizira kuchikomba chake — Davison Magwaro — izvo baba vake, Alfred Maronjese, vanonzi vakawirirana nazvo.

Hove naRuramai vane vana vaviri vose — wemakore maviri neane makore mashanu okuberekwa.
Zvinonzi muna Gunyana 2020, Ruramai aigara naHove kuMberengwa apo akabva pamba achiti aishanyira vabereki vake kuZaka, asi achitizira kuna Magwaro kumusha kwake kwaMushinyi, kuBikita.
Mushure mekunge anyeverwa kuti mudzimai wake ainge aitizira kunaMagwaro, Hove akaenda kumusha kwechikomba ichi ndokunozvionera.

Achisvika pamusha pechikomba ichi, zvinonzi pakaita kusanzwisisana pakati pake nevaviri ava zvikaita kuti amhan’are nyaya iyi kudare raMambo Mpakwa.

Magwaro ake ekudare, ayo akaonekwa neKwayedza anoti, “Davison Magwaro akatora mudzimai wangu Ruramai Maronjese uyo wandine vana vaviri naye. Takaroorana muna2016 asati amutora munaGunyana 2020.

“Mudzimai wangu akandinyepera kuti aienda kunoona vabereki vake kuZaka asi iye achitizira kuchikomba chake. (Magwaro) anofanirwa kundibhadhara mombe nhatu dzekundiripa sezvo akapunza wanano yangu.”

Achipawo divi rake, Magwaro anoti akange asina ruzivo rwekuti Ruramai akaroorwa.
Asi mhinduro yake iyi yakashamisa zvikuru sezvo zvakazobuda kuti Ruramai akatizira Magwaro mushure mekunge ambogara munzvimbo imwechete nemudzimai uyu nemurume wake.

Nekuda kwehudyire hwake, Alfred – uyo aivepowo padare paitongwa nyaya iyi – anoshorwa naMambo Mpakwa.

“Uri baba vemhando ipi? Wakaparadza wanano yemwanasikana wako nekuda kwehudyire. Kunyangwe zvazvo mwanasikana wako ave nemakore anodarika 18 okuberekwa, hawaifanira kumuti asiye murume wake aende kune mumwe apo wanano yavo yange ichiripo,” vanodaro Mambo Mpakwa.

Alfred anosimbisisa kuti kuroodza kwaakaita mwanasikana wake kune mumwe murume iye achiri mune imwe wanano hauzi mucherechedzo wekuti akange ashaya pekutanganira muupenyu hwake.
Ruramai anoudza dare kuti ange asisade Hove.

Zvakabuda mudare iri zvakare kuti Hove akambobatikidza Ruramai naMagwaro vachishinha muimba yavo yekurara.

Mushure mekunge vawana umboo hwakazara, Mambo Mpakwa vakabhadharisa Magwaro mombe nhatu semuripo wekushinha nemudzimai wemuridzi.

Share This:

Sponsored Links