Azvambaradza tete anyimwa sadza

11 Mar, 2023 - 14:03 0 Views
Azvambaradza tete anyimwa sadza Dare

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME ane makore 23 ekuberekwa anogara kuUnit H, kuChitungwiza, akazvambaradza kurova tete vake kunge nyoka yapinda mumba mushure mekunge avabvunza kuti sadza rake raive kupi, ndokuudzwa kuti rakange risipo.

Ranganai Erricson Mapfumo wepanhamba 9797 kuUnit H amiswa mudare reChitungwiza Magistrates Courts pamberi pemutongi Chiedza Manase nemhosva mbiri – yekupwanya imba yatete vake nekuvarova nezvibhakera achivapomera mhosva yekusamupa chikafu nenguva.

Tete vake vaakarova nekupwanyira imba vanonzi Cathrine Mapfumo (79).

Mutongi Chiedza vamupa chirango chekunofondoka kwemaawa maviri padare reChitungwiza Magistrates Courts pamhosva yekutanga yekupwanya imba yatete vake.

Pamhosva yechipiri yekurova, mutongi amupa chirango chekugara mujeri kwemwedzi miviri iyo yazosendekwa yose parutivi nechitsidzo chekuti haafanire kupara imwe mhosva ine chekuita nemhirizhonga mumakore mashanu anotevera.

Muchuchisi Faith Simango vaudza dare kuti nemusi wa25 Kukadzi gore rino munguva dzemasikati, Ranganai akamuka achibva abvunza tete vake kuti chikafu chake chainge chiri kupi, ivo vakamuudza kuti chaisavapo.

“Ndakamuudza kuti chikafu chake chaisavapo nekuda kwehunhu hwake hwakashata saka akabva agumbuka ndokubva atanga kundirova nezvibhakera padama rangu rekuruboshwe zvikaita kuti ndisare ndiine marwadzo akanyanya.

“Mushure meizvi, akabva apwanya imba yangu achishandisa chombo chisingazivikanwe, akapwanya zvekare zvidhinha zvemba yangu uye marata,” vanodaro Mbuya Mapfumo.

Mhosva yechipiri yakaparwa nemusi wa28 mwedzi mumwe chete uyu apo Ranganai akabvunza zvekare chikafu kunatete vake achiti akanga aine nzara, ivo vakamutaurira kuti chainge chisipo izvo zvakaita kuti apwanye kamuri imwe chete yemba yavo nehasha.

Mbuya Mapfumo vakavhenekwa nemachiremba uye magwaro akabva kuchipatara aburitswa mudare seumboo.

Midziyo yakaparadzwa naRanganai inokosha $90 000.

Share This:

Sponsored Links