Azvisungirira kumba kwe’girlfriend’

17 May, 2023 - 15:05 0 Views
Azvisungirira kumba kwe’girlfriend’ Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekwaMambo Chireya, kuGokwe, anonzi akafa apo akazvisungirira pabango rechengo chemumba yeshamwarikadzi yake mushure mekunge varwira nyaya isati yazivikanwa.

Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti murume uyu akafira mukomboni yekwaHuni kumugodhi weZenda uri kuGokwe North.

Vanoti Tinashe Chakanyuka aiva kumba kweshamwarikadzi yake, Josephine Nyama, uko vaviri ava vanonzi vakatanga kukakavadzana nekuda kwenyaya isina kuzivikanwa vakazogumisira varwa.

“Josephine Nyama anoti akafenda nekurohwa kwaaiitwa naTinashe Chakanyuka, inova nguva yaanoti Tinashe akabva awana mukana wekuzvisungirira iye asingazive zvaaiita nekufenda uku. Anoti murume uyu akazvisungirira netambo mumba mavainge varere vose,” vanodaro Insp Mahoko.

Nyama anonzi paakazofefemuka ndipo paakaona mutumbi waChakanyuka wakarembera pabango remuchengo memba.

Insp Mahoko vanoti nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuGokwe ndokubva vatanga kuferefeta.

“Mapurisa vari kufambira mberi nekuferefeta nyaya iyi tichikumbira kune vane zvavanoziva vatibatsire sezvo paine fungidziro huru yekuti panogona kunge paine zvakaipa zvakaitika kusvikira murume uyu afa,” vanodaro Insp Mahoko.

Mutumbi wemurume uyu wakaendeswa kumochari yechipatara cheGokwe kuongororwa nanachiremba.

Share This:

Sponsored Links