Uncategorized

Azviuraira kuti murume akachoboka

04 Dec, 2021 - 13:12 0 Views
Azviuraira kuti murume akachoboka

Kwayedza

Liberty Dube

MUDZIMAI anopinda chechi yeEnd Time Church kuChipinge – uyo anonzi anga aneta nekugara nemurume asingaende kubasa uye asina mari – akabuda muchechi ndokumhanya kunozvisungirira chinhambwe chemamita mashoma kubva pachechi yaainamatira.

Izvi zvakaitika nemusi weSvondo wadarika.

Precious Mushunge (40) akasiya anyora tsamba achiti aigara upenyu hwaimushungurudza nekuda kwemurume wake asingaende kubasa uye asina chaaimubatsira nacho.

Mwana wake wemakore 11 okuberekwa (zita tinaro) anonzi akaona amai vake vachimhanya kubuda muchechi zvikaita kuti avatarise panze pavakanga vaenda apo mudzimai uyu asina kuwanikwa.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Sergeant Vimbai Mangundu, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika paChipinge Government Farm.

“Mushunje, uyo aigara muChipinge, akabva pamba achienda kuchechi yeEnd Time Church padyo nepavaigara.

“Ave masikati, mwana wake akaona amai vake vachibuda muchechi vachimhanya akaedza kuvatsvaga asi haana kuvaona. Akaudza baba vake, VaEdwin Chikwanha, (54) avo vakabva vaisa nyaya iyi kumapurisa.

“Mukadzi uyu akabva atanga kutsvagwa uye vanamati vechechi yake vakabatsirawo kumutsvaga zvikazoita kuti aonekwe akafa mamita mashoma kubva pachechi iyi.

“Tsamba yaakanyora yakawanikwa iri pedyo nemutumbi wake iyo yaitaura kuti aive asingafari nekuti murume wake anga asina mari uye asingaende kubasa,” vanodaro Sergeant Mangundu.

Vanokurudzira vanhu kuti vatsvage rubatsiro pose pavanenge vaine zvinovanetsa.

Share This:

Sponsored Links