Azviuraya akandwa tsaga nechimoko

04 May, 2022 - 17:05 0 Views
Azviuraya akandwa tsaga nechimoko Asst Insp Ethel Mukwende

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekuSilobela, kuMidlands akazviuraya apo akazviputitsira madheremete mumusoro mushure mekunge arambwa nemusikana waaidisisa.

Nyaya iyi inonzi yakaitika masikati emusi wa28 Kubvumbi panzvimbo yeKiosk pamabhizimisi eMahari, kudunhu raMambo Malisa.

Zvinonzi Isaac Shumba (31), uyo aigara mubhuku raKwayikwayi, akashanyira musikana wake panzvimbo yemabhizimisi iyi apo vakanotadza kuwirirana paakaudzwa nechibayamoyo chake kuti adzokere zvake kumba kwavo.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Assistant Inspector Ethel Mukwende vanoti Shumba paakataurirwa mashoko akamurwadza aya, akatanga kuzvisungirira nemadheremete mumusoro wake nechinangwa chekuzviuraya.

“Vamwe vanhu vaiva panzvimbo iyi vakaedza kuswedera pedyo naye vachida kuti asiyane nekuzviuraya apo iye anonzi aimhanya akabata banga achivhundutsira vaedza kusvika pedyo naye,” vanodaro Asst Insp Mukwende.

Murume uyu anonzi akazoputitsa madheremete aiva mumusoro make aya achibva angofa ipapo ari pavheranda rechimwe chitoro.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa mutumbi wake ndokuendeswa kumochari yechipatara cheSilobela.

“Semapurisa, tinokurudzira veruzhinji kuti vagadzirise matambudziko avo pasina kurwisana kana kukakavadzana nekutsvagawo vayananisi. Kushandisa mhirizhonga kunokonzera kurasikirwa neupenyu nekukuvadzana kwevanhu,” vanodaro Asst Insp Mukwende.

Mune imwewo nyaya, mapurisa ekudunhu iri vanozivisa nezvekupondwa kwemurume aive abvunza mari yake yechikwereti.

“Tine murume ainzi Last Mpofu (47) aibva kunzvimbo yeTorvo 2 Resettlement kuLower Gweru uyo akapondwa musi wa23 Kubvumbi apo akanga aenda kunoreva mari yake yechikwereti,” vanodaro Asst Insp Mukwende.

Vanoti Mpofu akashanyira Emson Ncube (73) wemunzvimbo imwe chete achida kunoreva mari yake yechikwereti.

Vaviri ava vanonzi vakatanga kunetsana apo Ncube akazotora danda ndokurova naro Mpofu kakawanda muviri wose achibva akuvara zvakanyanya.

Mpofu akazorwara zvakanyanya nemusi wa25 Kubvumbi ndokuendeswa kukiriniki yepadyo asi akazopfuuridzwa kuchipatara cheGweru uko akasvikorapwa ndokuburitswa.

“Zvakadaro, nemusi wa27 Kubvumbi nenguva dza6 zuva rodoka, Last Mpofu akabva ashaika ari kumba kwake. Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa eZRP Maboleni, mutumbi wacho uchibva waendeswa kumochari yechipatara cheGweru,” vanodaro Asst Insp Mukwende.

Ncube akatosungwa nekuda kwenyaya yekuponda iyo ari kupomerwa uye anotarisirwa kupinda mudare redzimhosva munguva pfupi iri kutevera.

“Nyaya dzekurwisa dziri kuwanda muvanhu, kuLalapanzi zvekuti tine nyaya yatiri kuferefeta zvakare yekuedza kuponda yakaitika nemusi wa27 Kubvumbi. Justice Bebulo wemumusha weNkululeko 2B kuGweru akamhan’arira mumwe munhu anonzi Simba nemhosva yekumubaya nebanga vanetsana vachinwa doro,” vanodaro Asst Insp Mukwende.

Vaviri ava vanonzi vainwa doro pamugodhi kuDownlands kwakare kuLalapanzi.

“Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa ekuMvuma uko akakuvadzwa uyu ari kurapwa. Simba ari kutsvagwa nemapurisa nekuda kwenyaya yaari kupomerwa yekuedza kuponda,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey