Azviuraya mukadzi arovha kuchechi

17 May, 2024 - 16:05 0 Views
Azviuraya mukadzi arovha kuchechi Inspector Emmanuel Mahoko

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore makumi mana ekuberekwa wekuMberengwa anonzi akazvisungirira mushure mekurova mudzimai wake zvakaomarara zvekupotsa amuuraya nekuda kwechikonzero chekuti akanga aramba kuenda kuchechi.

Nyaya iyi yakaitika nemusi wa9 Chivabvu nenguva dzemanheru apo Godknows Dube wekwaSabhuku Mhlauri, kwaMambo Mposi, akasvika pamba ndokutanga kupopotedzana nemudzimai wake nenyaya yekuti sei akanga asina kuenda kuchechi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Dube akazorova mudzimai wake mumusoro nechombo chisina kuzivikanwa achibva atanga kuridza mhere achikumbira kununurwa.

“Panguva iyi, mumwe muvakidzani akamhanya kunoona zvaiitika achibva avhundutsirwa nemurume uyu nebhemba achinzi aigona kuuraiwa, akabva amhanya kune vamwewo vavakidzani kuti vazomubatsira,” vanodaro Insp Mahoko.

Dube anonzi akazovhunduka nekukuvadza uko akanga aita mudzimai wake akabva atora tambo yemagetsi ndokuenda mumba yavo yekurara umo akanozvisungirira.

“Ruzhinji parwakazouya pamba apa vawanda vakasvikowana Dube atoshaika mutumbi wake wakarembera mumba,” vanodaro.

Insp Mahoko vanoyambira veruzhinji kuti vataurirane kana paine zvinonetsa uye vorega kushandisa hasha nekurwisana asi kuti vatsvage vayananisi kuitira kudzivirira kurasikirwa neupenyu nezvinhu zvinogona kugadziriswa.

Share This:

Sponsored Links