‘Baba dzoserai zvidhoma zvenyu’

12 Jun, 2022 - 15:06 0 Views
‘Baba dzoserai zvidhoma zvenyu’ Chidhoma

Kwayedza

Ashley Mujoma

MURUME wemuHarare anonzi ari kugarorikitwa nemwanakomana wake achimupomera mhosva yekuti ari kuramba kudzosera zvidhoma zvake kun’anga kwaakazvitora.

Rufaro Nyamaropa audza dare reHarare Civil Court kuti anoda gwaro redziviriro kubva kune mwana wake, Kelvin, uyo waanoti ari kugara achimushungurudza.

Rufaro, uyo ane maronda ekurohwa muviri wake, anoti Kelvin anomuinga pazere vanhu achimupomera kuti ane zvidhoma zviri kukonzera rufu mumhuri yavo.

“Ndinofunga zvakanaka kujekesa nyaya iyi, kana zvakwana zvakwana. Kelvin anogara pamba pangu asi iye zvino ave nechivindi chekundirova mumba mangu.

“Anondipomera kuti ndakatora chipfeko chake chemukati ndikaenda nacho kun’anga, zvandisina kumbobvira ndaita.

“Svondo rapera, akandirova mushure mekunge ndaramba kuenda kune waaiti muporofita nemachira andakapihwa nemadzisekuru angu,” anodaro Rufaro.

Achipawo divi rake, Kelvin anoti haapikise chikumbiro chababa vake chekuti vapihwe gwaro rinovadzivirira nedare.

Anoti chaanoda kuti baba vake vadzosere zvidhoma zvavanonzi vakatora kune imwe n’anga.

“Chinhu chinonyanya kurwadza ndechekuti vanhu vari kupera kufa mumhuri medu nekuda kwezvidhoma zvavo.

“Zvave kugara zvichiitika kuti vanhu vari kufa nguva nenguva mumhuri medu uye maporofita ose ari kuti ndivo vari kuzvikonzeresa.

“Havamboramba kuti havana zvidhoma kana vachinge vabvunzwa nemaporofita.

“Semhuri, takazvipira kuvabatsira kuti vadzosere zvidhoma izvi asi ivo vari kuramba,” anodaro Kelvin.

Mutongi Sharon Mashavire akapa Rufaro gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links