Uncategorized

‘Baba munoda kuti ndirambwe’

11 Oct, 2019 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Courtney Munodawafa

MWANASIKANA akazvuzvurudzira baba vake kudare achiti vari kuda kuparadza wanano yake vachimupomera kuti ndiye akaita kuti varambane naamai vake.

Memory Sanyamandwe akamhan’arira Clemont Kwangwari kuHarare Civil Court.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Sanyamandwe chikumbiro chake.

Sanyamandwe anoti ari kuoneswa ndondo nababa vake vekumubereka.

“Ava ndibaba vangu nyakundibereka, asi vandishungurudza. Vanonditi ndakaparadza muchato wavo saka vanofanira kuparadzawo muchato wangu.

“Vanoti ndini ndakaperekedza amai kuMsasa Project asi handizvo, amai vakazviendera voga. Ndakatozoita zvekunzwa kuti ndizvo zvavapo,” anodaro Sanyamandwe.

Anoti baba vake vanomutumira mashoko panhare vachimutyisidzira.

“Baba vanonditumira mameseji vachiti vanoda kuparadza upenyu hwangu. Vanotumirawo murume wangu nekuhama dzake vachitaura zvakaipa pamusoro pangu,” anodaro.

Sanyamandwe anoenderera mberi: “Baba vanoita basa rekunyora maanonymous letters kumapurisa vachiti ndiri kuita zvisiri pamutemo. Vanonyora futi tsamba kubasa kwemurume wangu vachiti anoba mari ikoko. Izvi zviri kukanganisa murume wangu kubasa izvo zvave kuita kuti imba yangu ikanganisikewo.

“Vanouya kumba kwangu vachiti kusvikira amai vadzoka, handimbowane mufaro.”

Kwangwari anoti Sanyamandwe ari kutaura mashoko ekunyepa uye haazi mwana wake.

“Uyu haasi mwana wangu, mupei gwaro hake. Dai ari mwana wangu haaimbondinyepera zvakadai kana kundiunza kudare,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>