Baba nemwana vorwira ‘mudiwa’ muzukurusikana

09 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Baba nemwana  vorwira ‘mudiwa’ muzukurusikana PIKISAYI MAPARADZA

Kwayedza

— Pakatozvarwa kamwana
Kingstone Mapupu —

BABA nemwanakomana wavo vekuGokwe vanonzi vari kurwira muzukurukadzi wavo uyo wavari kudanana naye vose uyo ane mwana waakaita asiri kuzivikanwa kuti ndewani pakati pevaviri ava.

Nyaya iyi yakatopinda mudare raMambo Nemangwe nguva pfupi yadarika vatatu ava vakabatwa nemhosva yekuita makunakuna ndokuripiswa mombe nhatu nembudzi mbiri.

Noah Thembo nemwana wake Simon Thembo – avo vose vasina kuzivikanwa makore avo ekuberekwa asi vachigara mubhuku raZharare – vakabatwa nemhosva yekuita makunakuna nemuzukuru wavo Lillian Tarambwa (18).

Lillian mwana watete vekwaThembo uye anonzi akatoregedza kuenda kuchikoro cheGukure High, kwakare kuGokwe, mushure mekubata pamuviri apo pakatozvarwa mwana.

Musikana uyu aidzidza pachikoro chimwe chete naSimon uye zvakabuda mudare iri kuti vaviri ava vakambowanikidzwa nemukuru wechikoro ichi, uyo akangozivikanwa saVaMunyere, vachirezvana nekusasana.

Munyori waMambo Nemangwe, VaPikisayi Maparadza, vanoti mushure mekunge abatikidza Simon naLillian, mukuru wechikoro uyu akazosvitsa nyaya iyi kuna Esnathi Thembo, vanova ambuya vemhuri iyi.

Panguva iyi, vanodaro, Lillian akange atove nemimba.

“Lillian paakazobvunzwa nekuda kwenyaya yenhumbu, akataura zita rasekuru vake vadiki, Simon. Apo vakuru vakazobvunzisisa Simon, akaramba achiti nhumbu iyi yaisava yake, asi kuti yababa vake achiti anovaona vachisasana vose,” vanodaro VaMaparadza.

Vanoenderera mberi vachiti: “Mukomana uyu akataura pasina kuvanza mudare, kuti muzukuru uyu akanga amuwanikidza arere nababa vake masikati machena, izvo anoti akashaya wekuzvitaurira.”

Simon anonzi akanga atevera nharembozha yake yakanga yatorwa naLillian apo akasvikowanikidza baba vake Noah naLillian varere mumba yekurara yababa vake.

“Simon anoti chakaita kuti azive kuti vaviri ava vanoshereketa vose ndechekuti vaiva vakavhura dhoo. Anoti akasvikozvionera apo akazoshevedzera nekunze achitaurira Lillian kuti aida foni yake. Mukomana uyu anoti akambenge adongorera mumba umu nepahwindo akaona zvose zvaiitika,” vanodaro VaMaparadza.

Lillian anonzi akabuda mumba ndokubvunzwa naSimon kuti aiitei mumba masekuru vake vakuru uye anonzi akaudza Simon kuti iye azive nezvake chete.

Simon anonzi akapihwa foni yake akaenderera mberi nerwendo rwake uyuwo Lillian achibva adzokera mumba umo maaiva akazvivharira nasekuru vake Noah.

VaMaparadza vanoti nekuda kwenyaya iyi, baba nemwana ava vave kuitirana shanje apo Noah anogara achirova Simon kusvikira akatombotiza pamusha.

“Simon akatozodzoka pamusha mushure mekupindira kwedare ramambo apo nyaya iyi yakanga yamhan’arwa. Nyaya iyi yakazotongwa apo vose vari vatatu vakabatwa nemhosva yemakunakuna. Simon naNoah vakanzi varipe mombe nembudzi pamumwe uyuwo musikana ndokuripiswa mombe imwe chete,” vanodaro.

Mambo Nemangwe vanoyambira veruzhinji kuti varemekedze tsika dzechivanhu uye kuti vakoshese hukama.

“Dare rakapedza kutonga nyaya yemakunakuna kuvatatu ava, baba nemwanakomana nemuzukuru wavo. Asi nanhasi, baba vemwana akaitwa nemuzukuru uyu havasi kuzivikanwa apo dare rakavati vanofanirwa kuchengeta mwana uyu vose – Simon naNoah.

“Zvino nharo dziri pakuti achatoresa mwana birth certificate ndiyani. Isu sedare takavati vanofanirwa kuenda vose kunoongororwa nanamazvikokota kuti chokwadi chibude pachena kuti muridzi wemwana ndiani,” vanodaro Mambo Nemangwe.

Vanokurudzira vana vechikoro kuti vamboita zvedzidzo kuitira kuti vave neremangwana rakajeka.

Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, vanoti kuita makunakuna imhosva inosungisa pasi pemutemo wenyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey