Uncategorized

Baba nemwanakomana vonetserana wairesi

18 May, 2018 - 00:05 0 Views
Baba nemwanakomana vonetserana wairesi

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
MWANAKOMANA wekuti ari kushungurudzwa nababamukuru — mukoma vababa vake — avo vaanoti vanomurambidza kuridza wairesi yake vachimudzimira magetsi, akazokwidza nyaya iyi kudare redzimhosva.

Rutendo Hachiwaire akamhan’arira Elvid Mazhakata kuHarare Civil Court achiti ari kumushaisa rugare.

“Ndiri kuda kugara zvakanaka nemukoma wababa vangu asi vari kupota vachiti ndinovatuka apo ndinenge ndiine zvandinoda kunzwisisa kubva kwavari,” anodaro.

Anoti Mazhakata akamutorerawo gwaro redziviriro rinova raave kushandisa zvisirizvo, nekudaro ave kuda rakewo.

“Vakanditorera gwaro redziviriro asi ndava kuona kuti vave kurishandisa kuita nekutaura zvisiri kundifadza,” anodaro Hachiwaire.

Anoti dambudziko razoita kuita auye kudare nderekuti babamukuru vake havadi kuti aridze wairesi yake.

“Ndauya kuno nekuti kumba magetsi akadzimwa sezvo havadi kuti ndiridze wairesi yangu. Vanenge vave kuti ndiri kuvaitira ruzha asi handizive kuti ndinenge ndichiitira ivo vega here sezvo vamwe vatinogara navo vasinganzwe ruzha rwacho,” anodaro Hachiwaire.

Anoenderera mberi achiti dzimwe nguva anoenda kunorara kwaambuya vake achitiza zvaanoitwa.

“Mamwe mazuva ndinonorara kwambuya vangu nekuti ndinenge ndichitiza mitauro,” anodaro.

Mazhakata anoti Hachiwaire haazive kuti imba iyi haisi yababa vake, ndizvo zvinomupa kuita misikanzwa yekusarara pamba uye kuita ruzha newairesi yake.

“Mwana uyu haazive kuti imba iyi haisi yababa vake asi kuti yakasiiwa nasekuru vake – ndeyanababa vake vese asi iye ari kuda kutitonga tiri pamba pababa vedu,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Anorara kwaanoda, odzoka pamba achiita ruzha newairesi zvakazoita kuti ndidzime magetsi imba yose nekuti ndakanga ndatoona kuti pamba hapachagarike.”

Anoti kudzima kwaakaita magetsi hakusi kwekuda kupfidzisa Hachiwaire, asi akange asina rimwe zano rekuita.

“Handina kudzima magetsi ndichida kumupfidzisa, ini nanababamudiki vake vatinogara navo vakatokanganisikawo asi hatina mumwe mutauro watingataure naye akanzwa,” anodaro.

Mutongi Manasse Musiiwa akapa Hachiwaire gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>