Uncategorized

Baba pfacha . . .Justin namhamha vakazvivharira… ‘Taingoona mifananidzo yezvinyadzi’

18 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Baba pfacha . . .Justin namhamha vakazvivharira… ‘Taingoona mifananidzo yezvinyadzi’ Justin Mambo

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VAGARI vemumusha wekwaJacha, kuMuguta Extension, kuEpworth, vakaona bhaisikopo remahara nguva pfupi yadarika apo mwanakomana akawanikidzwa arere naamai vake, mudzimai mudiki wababa vake. Nyaya iyi yakazomutsa bongozozo rakaita kuti vaviri ava vakarohwa senyoka yapinda mumba nasamusha.

Justin Mambo (18) anonzi akawanikidzwa achipanana rudo rwegonera naRoselyn Mutsimho (25) anova mudzimai wababa vake, VaGilbert Mambo (44).

Roselyn Mutsinho

Justin naMutsimho vose vari kuramba kuti vakabatikidzwa vachishinha vachiti vakawanikwa vachiona mavhidhiyo ezvinyadzi (porno) ndokuzorikitwa nababa vemusha, VaMambo vachipomerwa mhosva yemakunakuna. Mutsimho anonzi akazoroorwa naVaMambo apo mudzimai wavo wekutanga — amai vaJustin ainzi Dadirai Gwangwava — akanga ashaika mugore ra2012.

Zvinonzi pakatanga vana vemukadzi mukuru kugara naamainini, ndipo vaviri ava vakatanga kudanana sevanhu vaiswera vose nguva zhinji baba vaenda kubasa.

Amai nemwana ava vanonzi vakawanikidzwa nemusikana ane makore 12 okuberekwa.

Pane mumwewo zvakare musikana anonzi akambovawanikidza uyo Kwayedza isina kuona.

“Inini ndaigara kuSanyati kumusha kwana gogo apo ndakauya kuno sezvo ndave kuda kutanga Fomu 1. Ndakangoerekana ndapinda mumba ndokuwana Justin akagadzika amainini pamakumbo pake vachikisana vasina kunyatsopfeka. Vakavhunduka ini ndokudzokera panze nekumashure apo vakarega zvavaiita,” anodaro mwana uyu.

Mwana uyu anoti akatadza kubvunza vaviri ava kuti vaiitei.

Justin anonzi akauya kuzogara pamba apa mumwedzi waZvita wadarika apo aibva kumusha kwavo kuHurungwe uko aipinda chikoro Fomu 4 asi ndokutadza kunyora nekushairwa mari. “Ndaona izvi, ndakataurira vanhu ndokuenda kunotaurira amainini munin’ina waamai vanogara muno avo vakazosvitsa nyaya iyi kuna baba. Mainini naJustin vakazorohwa zvakaipa nababa vose vakaramba nyaya iyi asi ini ndakazvionera. Pane mumwe mwana waamainini akavawanikdzawo nepahwindo.

“Kunyangwe vanhu vemuno vanoti vanovaona vachivharirana mumba masikati kana pasina vanhu,” anodaro mwana uyu.

Anoti vaviri ava pavakarohwa, vakati vaingoona mifananidzo yezvinyadzi kwete kuti ivo vaishinha.

Kuburikidza nenyaya iyi, VaMambo nemudzimai wavo vanonzi vakabva vatiza pamba apa vachisiya mhuri iri yoga ndokunoroja kwaMunyuki, kwakare kuEpworth.

Gilbert Mambo

VaMambo vanotiwo nyaya iyi yakataurika asi havazive chokwadi nenhema.

“Nyaya iyi ndakaipirwa ndikavarova vose asi vakazviramba. Vanoti chavo chavakaita chete vaiona mifananidzo inonyadzisira. Vaviri ava ndakambovatsiura kare nematambiro avo andaisaona mushe vakatadza kunditeerera kusvika guhwa iri razobuda,” vanodaro baba ava.  Vanoti vakaona zvakanaka kuti vasuduruke nemudzimai wavo vosiya vana vachigara voga sezvo imba iyi yakasiiwa nemushakabvu, amai vaJustin.

“Mukadzi uyu handigone kumuramba nekuti ndakamupa chirwere asingazive inova nyaya yaakasvitsa kuvabereki vake. Hongu anogona kunge akaita makunakuna nemwana wangu kana kuti haana, ndine mhosva huru kwaari uye ndinomuda,” vanodaro.  Beatrice Gwangwava (34), vanove mainini vaJustin — munin’ina waamai vake — vanoti nyaya iyi vakaitaurirwa vakanobvunza VaMambo.

“Nyaya iyi ndaingoinzwa ichitaurwa nevanhu kuti amai ava vari kudanana nemwana, mwana akazouya achiti aiva avawanikidza. Baba vacho ndakavabvunza vakazorova mukadzi nemwana asi vose vanoramba zvavari kupomerwa,” vanodaro.

Vanoti vave kuda kuti mwana uyu anoongororwa nemachiremba.  “Hama dzedu ndakadzitaurira kusanganisa vanatete hanzvadzi dzababa vemwana uyu nevakoma vavo. Pari kutoda kuitwa dare nekuda kwenyaya iyi koonekwa kuti zvoitwa sei,” vanodaro.

VaObert Chivhunga (27) vanova muvakidzani wemhuri iyi vanotsinhira vachiti: “Ndakazongonzwa pamba apa pachirwiwa baba vepo vachirova amai nemwana vachivati makashayeiko.”

VaChrispen Tangwena (43) vanotsinhirawo vachiti, “Nyaya iyi yakaoma, takangonzwawo kuti amai nemwana ndizvo zvavari kuita.”

Justin anobvuma kuKwayedza kuti aiona mifananidzo yezvinyadzi naamainini vake asi anoramba kuti vakabatikidzwa vachiita makunakuna.

“Akatiwana tichiona maporno chete kwete zvimwe izvo. Panonetsa zveshuwa kuti muone mifananidzo yakadaro uine munhu wechikadzi, munopedzisira maita zvisiri izvo,” anodaro.

Anotsinhirawo kuti akarohwa zvakaomarara pamwe chete naamainini nababa vake vachipomerwa kudanana.

Mutsimho ari kurambawo nyaya yekuti anodanana nemwana achiti vaiona mifananidzo yevanhu yezvinyadzi vari vaviri.

“Musikana uyu paakapinda, akatiwana tichiona maporno pafoni yaJustin iye akagara paside pangu kwete kuti ini ndaiva pamakumbo pake kana kuti iye aiva pamakumbo pangu. Zvekushinha hazvipo uye zvekuti taikisana handizvo,” anodaro. Anoti anokumbira ruregerero nekuda kwenyaya yekuona mifananidzo inonyadzisira nemwana.

“Takazorohwa tose zvakaomarara nababa nenyaya iyi nekudaro takazowirirana kutama tichinogara kwedu toga nekuda kwemakuhwa aya,” anodaro. Mukadzi uyu anoti akazivisa vabereki vake vari kuKotwa, kuMudzi nezvenyaya iyi.

Sekuru Kamwelo Banda vemuguta reHarare vanoti izvi hazvingoitika zvoga asi kuti pane mweya yetsvina iripo uye mwana uyu anofanirwa kuripa baba vake.

“Mwana uyu akaita chipini, anofanirwa kuripa baba vake,” vanodaro.

Mambo Makope VaJacob Mapirinjanja vekuMvurwi vanoti iyi imhosva huru inotoda kuti mwanakomana uyu naamai vake vose varipiswe mombe mbiri pamunhu neyechishanu iyo inodyiwa neruzhinji sezvo zvavakaita chiri chipini chinotadzisa mvura kunaya zvakanaka

Share This:

Sponsored Links