Uncategorized

Baba, tete vabatsirana kuponda mwana

06 Aug, 2022 - 00:08 0 Views
Baba, tete vabatsirana kuponda mwana Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Arron Nyamayaro

MURUME anove mutyairi wemotokari dzemushikashika nehanzvadzi yake vakasungwa nemapurisa nemhosva yekuponda mwanasikana wake mumusha weBudiriro muHarare apo vakabatsirana kumurova vachimupomera kuita misikanzwa yekutora zvinodhaka.

Nomore Makwinja (51) nehanzvadzi yake Diana Makwinja Snr (52) vanonzi vakabatsirana kurova zvakaipisisa mwana Diana Makwinja Jnr (16) uya ange achiita Form 4 mumasvondo maviri adarika.

Mwana uyu akapihwa mubhedha muchipatara achibva azoshaya nemusi weSvondo.

Diana Snr anonzi akafonera Nomore kuWedza achida kuti auye kuzomubatsira kuranga sazita wake zvichitevera misikanzwa yaaipomerwa yekutora zvinodhaka.

Akanga agara naye kwemakore mana achimupomera kushandisa zvinodhaka uye kuita zvehunzenza.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti vaviri ava vakatosungwa.

 Vanokurudzira vabereki nevanochengeta vana kuti vatsvage rubatsiro kumapurisa nevamwe vayananisi kana vatadza kuwirirana mukugarisana kwavo pane kutora mutemo vachiuisa mumawoko avo.

“Mapurisa eZimbabwe Republic Police akasunga Nomore Makwinja naDiana Makwinja vekuBudiriro muHarare nemhosva yekuponda mwana Diana Makwinja,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

“Baba ava nehanzvadzi yavo vanonzi vakarova mwana uyu zvakaipisisa sekumuranga vachimupomera kushandisa zvinodhaka uye hunzenza,” anodaro.

Nomore akarambana naamai vaDiana Jnr vanonzi Janet Moyo muna2019 apo vakaenda kuSouth Africa.

Moyo anoti aigara achishungurudzwa naNomore kuburikidza nekurohwa.

“Tine vana vaviri naNomore, mukomana naiye Diana mushakabvu,” anodaro Moyo.

“Handina kumborohwa nehana pandakanzwa mashoko ekuti akarova mwanasikana wangu zvakaipisisa nekuti kana ini aigara achindishungurudza panguva yataiva tose muwanano.

“Ndaigara ndichizvambaradzwa kurohwa, ndichimbotizira kuvabereki vangu ndichidzoka, ndorohwazve kusvikira vabereki vangu vati haungafire kuroorwa.

“Vabereki vangu vakandiyambira kuti ndibude muwanano iyi uye ndinovatenda nekuchengetedza upenyu hwangu. Ndingadai ndirini ndakatanga kuuraiwa naNomore.

“Vatete vakange vava kugara nevana vangu vaviri, Nomore achigara kumusha kwavo kuWedza,” anodaro Janet.

Nomore anozivikanwa kuWedza nekutyaira motokari dzemushikashika.

Share This:

Sponsored Links