Baba vabhinya mwana wavo

08 Nov, 2022 - 15:11 0 Views
Baba vabhinya mwana wavo

Kwayedza

Tanyaradzwa Mujati

MURUME wekwaMutare ane makore 33 okuberekwa ari kupomerwa mhosva yekubata chibharo mwanasikana wake ane makore 13 kakawanda kubva gore radarika kusvika munaChikumi wegore rino.

Murume uyu (zita tinaro) akatomiswa pamberi pemutongi wedare reMutare Magistrate Court, Mai Pathekhile Msipa.

Ari kutongerwa mhosva yekubata chibharo sekutsanangurwa kwazvinoitwa pasi peSection 65 (1) yeCriminal Law (Codification and Reform) Act, Chapter 9:23.

Iye ari kuramba mhosva iyi.

Muchuchusi Mai Nomathemba Sayi vanoti kubva muna2021 zuva risingazivikanwe kusvika munaChikumi gore rino, murume uyu anonzi akabata chibharo mwana wake ari kuita Form 1 kakawanda kumba kwavo kuDangamvura uye nekunzvimbo dzakasiyana dziri maMutare.

Dare rakaudzwa kuti pazuva rekutanga, murume uyu akauya ndokupa mhuri yake chinwiwa chainge chakaiswa zvinhu mukati apo mwanasikana wake akanwa pamwe chete nemudzimai wake nemwanakomana.

Mushure memaminitsi mashoma, vose vakanwa chinwiwa ichi vakatanga kunzwa dzungu ndokubva varutsa.

Mumhan’ari anoti pachiitiko chekutanga, baba vake vakatakura hanzvadzi yake ndokunomuisa mumotokari yaive iri pamba pavo apo iye aive aenda kuimba yekurara achiramba achingorutsa.

“Murume uyu anonzi akatevera mwanasikana wake kuimba yekurara ndokumutakura achinyepera kunge anoda kuona kuti ari kunzwa sei. Anonzi akabva amubata chibharo uye akaramba achienderera mberi nekugara achimushungurudza pabonde,” vanodaro Mai Sayi.

Vanoti murume uyu anonzi ainyima mwanasikana wake mari yebhazi yekuenda nekudzoka kuchikoro izvo zvaizoita kuti auye kuhofisi yake uko aimubata chibharo zvakare.

“Dzimwe dzenguva, murume uyu anonzi aitora mwana wake oenda naye kuchisango chiri pedyo neDangamvura uko ainomubata.

“Musi wa4 Chikumi 2022, musikana uyu akaenda kubasa kwababa vake achida faira rekushandisa kuchikoro.

Pane kuti vaende kunotenga faira riye, baba vake vanonzi vakatyaira motokari kuenda kusango riri pedyo uko vakanomubata,” vanodaro Mai Sayi.

Musikana uyu anonzi akazotaurira amai vake nyaya yekubatwa chibharo iyi.

Amai vake vakabva vamutora ndokuenda naye kumapurisa kunomhan’ara nyaya iyi.

Musikana uyu akavhenekwa nemachiremba akaonekwa kuti akabatwa chibharo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey