Uncategorized

‘Baba vakandikumbira Kuti ndidanane namai’

29 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
‘Baba vakandikumbira Kuti ndidanane namai’ VANONDENDEREDZANA . . . Antony Mawewe aine chibayamoyo chake, amai vake Chipo Mugati avo vave mudzimai wake

Kwayedza

‘Ndatova nemimba’  ‘Hatimborambana’

Gibson Mhaka
“BABA vasati vafa, vakasiya vanditi ndigotora amai ndovaita mudzimai wangu – totogara tose. Izvi takawirirana kuitira kuchengetedza pfuma yavo kuti irambe iri mumhuri.”

Izvi ndizvo zviri kutaurwa nemuchinda wemumusha weEntumbane, kuBulawayo, uyo ava kugara semurume nemudzimai naamai vake mushure mekuvagara nhaka achiti ndizvo zvavakawirirana nababa vake vasati vafa.

Amai ava vatova nepamuviri pane mwedzi miviri pemwanakomana wavo uyo anoti vari kuita makunakuna aya sezvakasiya zvarongwa nababa vake nechinangwa chekuchengetedza upfumi hwemhuri.

Antony Mawewe (25) ndiye ava murume waChipo Mugati uyo anonzi ane makore 40 okuberekwa zvichitevera kufa kwababa vemuchinda uyu vainzi Mike Mawewe musi wa3 Zvita gore rapera.

Mwedzi wafa baba ava ndiwozve watanga vaviri ava kugara semurume nemudzimai.

Pachivanhu, zvinoreva kuti Chipo naAntony vakapisa guva raMike sezvo zvichinzi mudzimai kana vana vanofanirwa kuzoita zvepabonde, kuroora kana kuroora bedzi ndokunge guva remufi rarohwa.

Baba vaAntony munin’ina chaiye wemushakabvu Mike – buda ndibudewo – kureva kuti pachivanhu, Chipo akagarwa nhaka nemwanakomana wake chaiye.

Kunze kwekupisa guva, vaviri ava vari kuita chipini chemakunakuna.

Chipo anonzi akaona zviri nani kuita Antony murume wake pane vamwe vakoma vemurume wake avo vangadaro vaida kumugara nhaka zvichitevera kufa kwaMike.

Antony anonziwo akada chaizvo kugara nhaka amai vake ava uye akaudza vemhuri yake kuti ndiye achapedzisa kubhadhara jeredzwa reroora rakasiiwa nababamukuru vake.

Antony anonzizve akanobatsira Chipo kupepa Mike apo airwara, vaviri ava ndokuzotanga kugara vose semudzimai nemurume kwangopera mazuva mashoma baba vake vashaya.

Muhurukuro neKwayedza, Chipo anoti haambonyara kana nepadiki pose kuti ava kugara nemwana wake Antony semurume nemudzimai mushure mekufirwa nemurume.

Anoti haambofa akatendera vamwe vanhu “vane godo” kuti vaputse rudo rwavo urwo rwuri kubaka semoto.

“Takatanga kugara tose muna Zvita gore rapera apo baba (murume wake Mike) vakafa. Ini handione chakaipa pakuita izvi nekuti tsika yekuti mwanakomana anogara nhaka amai vake zvinoitika, zvikuru kumusha kwangu kuBikita.

“Antony agara aripo achindibatsira – pairwara murume wangu kunyangwe nepaakazofa. Ndicho chikonzero ndakaona kuti zviri nani kuti tiroorane nekuda kwekuti vamwe vakoma vemurume wangu vaida kuti ndiitewo mudzimai wavo,” anodaro Chipo.

Anoti vabereki vake kumusha kuBikita vakagamuchira wanano yake naAntony.

Chipo – uyo anoita basa rekusona mbatya achitengesa – anoti vamwe varume vepanzvimbo yaanoshandira vane godo nekuda kwekuti vakamupfimba akavaramba uye ndivo vanofambisa mashoko ekusvibisa zita rake “vachirwadziwa nerudo” rwake nemwanakomana Antony.

“Hapana chichatipesanisa uye tiri kutoronga kuchata munguva pfupi iri kutevera,” anodaro Chipo. Uyowo Antony achitiwo rudo rwegonera pakati pake naamai vake rwakarongwa babamukuru vake vachiri vapenyu.

“Baba vasati vashaya, ndivo vakauya nepfungwa yekuti ndigozotora amai kuti vave mudzimai wangu. Apapo vainge vachirwara.

‘‘Vakaita izvi nekuti vaida kuti pavanozofa, havaida kuti (Chipo) agozodzokera kumusha kwavo. (Amai) ndinovada zvikuru uye hapana chichatipesanisa. Vanhu vanofanira kungozvitambira kuti ndizvo zvavepo, ndini ndatova panyanga. Hatizirisu vekutanga kuita zvakadai,” anodaro Antony.

Mumwe ari kuziva nezvemashura aya, uyo anoramba kuburitswa zita rake munhau, anoti: “Chipo akaudza vemumhuri kuti akabvuma kurara naAntony pakutanga achingoda kuzvigutsa pabonde kusvikira vave kuzviita mazuva ose ndokuzowirirana kuti varoorane.”

Mumwe muvakidzani wevaviri ava – uyo anorambazve nezita rake – anoti makunakuna akadai aya ndiwo anonza jambwa neminyama munyika.

“Chisionekwi chakadai chekuti mwana anoshinha zvekutomitisa amai vake, ndicho chimwe chikonzero mvura isiri kunaya zvakanaka,” anodaro achikanda mawoko ake mudenga kuratidza kuti zviri kuitwa zvamukandisa mapfumo pasi.

Zvisinei, kunyangwe zvazvo Antony achiti vemhuri yake vakagamuchira wanano yake naamai vake, baba vake vekumubereka vakadya magaka mambishi apo vakafonerwa neKwayedza vari kuMuzarabani vachiti kuita kwakadai chituko kumhuri yavo.

“Ndinonzwa kushungurudzika. Handizive kuti ndingaite sei nenyaya iyi. Zvaive nani kudai (Chipo) akatsvaga mumwe murume wekuti amugutse pane kudanana naAntony uyo pachivanhu anova mwana wake chaiye. Zvinhu zvinonyadzisa uye chituko,” vanodaro baba vaAntony.

Vanoti mhuri yavo yose haizi kuwirirana nezvakaitwa naAntony uye ivo sababa vake vave kumuramba kuti haazi mwana wavo nekuda kwemakunakuna aya.“Zvinonyadzisa zvikuru kumhuri. Patakamhan’ara nyaya iyi kuna mambo, akati hazvitenderwe uye vaviri ava vanofanirwa kuripa nemombe gumi nekuda kwekusvibisa kwavaita zita remhuri nerenzvimbo.”

Share This:

Sponsored Links