Baba vakandipfimba ini ndikavaramba

12 Mar, 2020 - 14:03 0 Views
Baba vakandipfimba ini ndikavaramba

Kwayedza

Courtney Munodawafa

Mudzimai anogara kuDzivaresekwa anoti ari kushushikana zvikuru nehunhu hwemurume wake hwekupfimba musikana wavo webasa uye akamubvunza nezvenyaya iyi anobva amubatira banga.

Fadzai Furusa akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arira Risai Magarira achikumbira gwaro redziviriro.

Furusa anoti Magarira anomushungurudza nekumurova.

Mutongi Gladys Moyo akapa Furusa gwaro rinomudzivirira.

“Uyu murume wangu asi anondirovera pamberi pevana nemushandi wedu. Mushandi wedu akandiudza kuti baba vakamupfimba akavaramba. Ndakamubvunza murume uyu tikanetsana, akabva andibatira banga,” anodaro.

Furusa anoti rimwe zuva akambotiza murume wake apo aimurikita akasvetuka fenzi ndokuenda kumba kwemuvakidzani wavo.

“Ndakatiza ndakajamba fenzi kuenda pamba pevavakidzani vachindirova vakatevera. Vanotaura kuti vanoda kundibaya nebanga nevana ivo vobva vazviuraya. Vari kundirambidza kuuya kumba vachinditeverera kubasa kwangu,” anodaro.

Magarira haana kupokana nechikumbiro chaFurusa kudare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>